Minda yoparadzwa nevanochera ivhu rekuvakisa

07 Mar, 2024 - 16:03 0 Views
Minda yoparadzwa nevanochera ivhu rekuvakisa Kanzura Kudanaishe Majome

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KANZURA weWard 18 kudunhu reMhondoro-Mubayira ari kukurudzira veruzhinji kuti vasachere ivhu rekuvakisa (pit sand) muminda nedzimwe nzvimbo dzisina kukodzera sezvo katsika aka kari kudzosera mabasa ekurima kumashure nekuda kwegukuravhu.

Kanzura Kudanaishe Majome (38) vakapa yambiro iyi kuruzhinji zvichitevera dambudziko revamwe vanhu vanochera ivhu rekuvakisa munzvimbo dzakasiyana vachitengesa kana kushandisa pakuvaka.

Vanoti vaita dambudziko guru revanhu vanongochera ivhu iri pose-pose mudunhu ravo.

“Kuno kuWard 18 kudunhu reMhondoro-Mubayira, tine vamwe vanhu vanongoenda pavada vachichera pit sand, mungava muminda yavo kana kumafuro hwemombe. Tiri kushanda nemapurisa, veEMA, masabhuku nemadzishe kuti tidzivise kuparadzwa kwezviwanikwa muno nekuti mimwe minda yacho inozoguma yava makomba-makomba uye isisarimike,” vanodaro Kanzura Majome.

Vanoti kune vamwe vanhu vanoita basa rekutengesa ivhu rekuvakisa zviri kusiya nzvimbo dzakawanda angova makomba izvo zviri kukonzerawo gukuravhu.

“Tine dzimwe nzvimbo dzakapegwa kuitwa migwagwa dzatava kuona dzichicherwa makomba uyewo pamwe pacho miti iri kuparadzwa, zvichizokonzera gukuravhu mabasa ekurima okanganisika toita makoronga.”

Kanzura Majome vanoenderera mbneri vachiti: “Tine chirongwa chekudyara miti munzvimbo zhinji dzine makoronga izvo tiri kuita tichibatsirana neveZimbabwe Forestry Company neEMA. Zvikoro zvedu zvose zvinokwana zvisere zviri muward medu, zviri kudyara miti nguva nenguva.”

Vanoti mubasa rekuvandudza ivhu nekurichengetedza, vari kushandawo nevarimisi vemudunhu ravo.

Kanzura Majome vanoti dambudziko rekucherwa kwevhu rekuvakisa pamwe chete nejecha riri kukonzera kufushirika kwenzizi nemadhamu zvinozoita kuti mvura ipwe, zvipfuyo nevanhu voshaya mvura yekunwa neyekushandisa mamwe mabasa.

Share This:

Sponsored Links