Mubairo wekutora mudzimai wemuridzi . . . Baba voita sevanoyamwisa

23 Jan, 2024 - 17:01 0 Views
Mubairo wekutora mudzimai wemuridzi . . . Baba voita sevanoyamwisa VaPeter Makoni vachiratidza zvaita mazamu avo – Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 56 okuberekwa wekwaGutu, kuMasvingo, nyakudanana nemudzimai wen’anga yekwaChihota, ari kudemba chaakazviitira zvichitevera kumera kwaaita mitumba yemazamu.

VaPeter Makoni vanoti vakasangana nemudzimai anonzi Gladys ndokudanana naye mukupera kwaNdira 2021 apo vaishanda mune chimwe chitoro chiri kwaMupandawana, kwaGutu.

Vanoti mukadzi uyu akavaudza kuti aisava nemurume uye ndokutanga kugara vose kumavambo egore ra2022 apo vakazotanga kuona muviri wavo wosanduka.

“Takapedza masvondo maviri tichigara tose semurume nemudzimai. Ndakazoti rimwe zuva ndichida kurasa mvura ndokuona hapana hapana. Ndakazotaurira sahwira wangu akanditaurira kuti rwaiva runyoka,” vanodaro VaMakoni.

Murume uyu anoti akamboedza kufamba kumaporofita nekun’anga asi zvakashaya basa.

“Dambudziko iri raenderera mberi, ndakazobvunza mudzimai uyo akazobuda pachena kuti aiva mukadzi wen’anga achibva andipa nhamba dzenhare dzemurume wake. Ndakafonera murume uyu akandibudira pachena kuti mudzimai wake aiva atiza pamba ndokuti aizviziva kuti ndaizoridza nhare chete kwaari. Takataurirana akabvuma kuti tizoonana naye tikurukure nyaya iyi,” vanodaro VaPeter Makoni.

VaPeter Makoni

Vanoti mumazuva mashoma, vakazotanga kumera mazamu makuru.

“Ndichitaura nemurume anove n’anga uyu panhare, akanditi anoda mombe 6 kuti andipinginure rukawo rwaakaisa pamudzimai wake. Takazogara pasi nehama dzangu vanhu vakaenda kun’anga vakanotaurirana akabvuma kuti anoda mombe 6 sekumuripa kumutorera kwandakaita mudzimai wake,” vanodaro VaPeter Makoni.

Vanoti pakangoitika nyaya iyi, mudzimai wen’anga iyi akabva atiza pamba pavaigara vose uye havazive kwaari.

“Takazowirirana nen’anga iyi kuti taizoipa mombe dzayo mumwedzi waZvita gore rakapera iri. Mombe idzi takadziwana semhuri tikazotaura kuti babamudiki vangu nevamwe vachienda nadzo achibva aramba achiti ava kuda mombe 12 nekurwadzisa uko ndakamuitisa,” vanodaro.

Murume uyu anoti mazamu ake anoyamwiwa nemupurwa nenyoka izvo anotoona akasvinura, dzimwe nguva achiita zvekurota.

“Ndinoyamwiwa nenyoka nemupurwa zvekusara ndava kubuda ropa. Murume n’anga uyu anonditi handisati ndarwadziwa uye izvozvi ari kuti mwedzi uno ndiri kuzofa.

“Mhosva yangu ndinoibvuma, ndinoda kuripa zvino iye haasi kuda saka tava kutsvaga dzimwe mombe 6 pamusoro pe6 dzavakambotaura kuti dzikwane 12,” vanodaro VaPeter Makoni.

Murume uyu, uyo ane mudzimai nevana vatanhatu, anoti mukadzi wake akatambira dambudziko iri uye ari kushuwirawo kuti arapwe aite zvakanaka.

VaPeter Makoni vanoti chiri kunetsa ndechekuti kwese kwavanoenda, n’anga iyi inovafonera ichivataurira kuti vasafunge kuti zvavari kuita zvinovabatsira.

VaTinashe Makoni (44), babamudiki vaVaPeter Makoni, vanoti dambudziko remwanakomana wavo ratadzisa mhuri yavo kugara zvakanaka.

“Semhuri, takaenda kun’anga iyi ikatara mombe 6 kuti tiiripe, iroyonore mwana wedu idzo taida kuenda nadzo mumwedzi waZvita wadarika. Asi yakazosanduka ichiti yava kuda mombe 12 saka tava kuunganidza zvakare. Mwana wangu ava nemazamu seemudzimai. Anoyamwiwa nemupurwa nenyoka zvava kuita kuti mazamu aya abude ropa,” vanodaro VaTinashe Makoni.

N’anga iyi payakaridzirwa nhare neKwayedza yakati inoda kuratidza VaPeter Makoni kuti mudzimai wemunhu haapfimbwe.

“Murume uyu akada kuzviita bhuru mumusha mangu zvino tinoda kupedzerana. Izvozvi ndiri kuenda kuMalawi, zvizhinji ndinouya ndotaura nemi ndadzoka, munouya kwandinogara kana kuti ndinouya kumahofisi kwenyu,” inodaro n’anga iyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>