— Mudzidzisi rairai —NYAUDZOSINGWI

25 Jun, 2015 - 00:06 0 Views

Kwayedza

CHINO chidzidzo chinobva mukukoka kwatinoita varairidzi kuti vadzidzise vana chiShona chamandorokwati chinonzi “VARAIRIDZI HUYAI”.

Chidzidzo chino chinobva kune mumwe murairidzi ari paKatsande Primary School, kuMudzi.

Nyaudzosingwi dziri muzvikwata kana kuti zvikamu zvakasiyana. Svondo rino ngatimbozivai nezvadzo.

Dziri maererano nekutsa kana kusafara:

Fundumwara: kuratidza kusafara pachiso

Kwindi: uku kutsamwa kukuru.

Kwindima: uku kusasununguka pameso.

Kwirindindi: kuve nechiso chinoratidza kusafara.

Susuva: uku kushaya mufaro.

Tsindima: kufutisa kumeso nepamusana pekutsamwa.

* * *

Dziri maererano nekunyura kwechinhu:

Nya: kunyura kwechinhu mumvura.

Nyai: kunyura kwechinhu choenda pasi pemvura.

Nyn’orododo: kunyura kwemuviri wemunhu mamvura.

Nyurududu: kunyura kwechinhu pasi pasi pedziva.

Pesva: kunyura kwechinhu chakapesvera panzvimbo nyoro.

* * *

Dziri maererano nekubaya kana kudyunga:

Dhudyu: kubaya padumbu nepfumo.

Kododzvo: kubaya munhu nechigunwe.

Pubvu: kubaya chinhu, chabaya chacho chobuda neseri.

Dyu: kubaya kana kubayiwa nechinhu chakapinza.

Fipfu: kubaya nechinhu chakaita sepfumo.

Fudyu: kubaya nemudziyo wakapinza.

Tusvu/tutyu: kubaya chinhu, zviri mukati mechinhu zvobuda – semota kana bundu.

* * *

Dzinoreva kudonha kana punzika:

Badara badara: kupunzika kwemunhu otanga kuumburuka.

Bhi: kudonha kwemunhu kana mhuka ine muviri wakakurisa.

Bu: kudonha kwechinhu nekaruzha sedamba radonha mumuti.

Do: kudonha kwekanhu kadiki.

Do do do: kudonha kwemadonhwe emvura.

Gudumu: kudonha kwemudziyo wakaita semugoro zviri mukati zvorasika.

Gwachara: kudonha kwemidziyo yesimbi zvine ruzha.

* * *

Varairidzi makasununguka kutumira zvamunoda kuti vana vadzidze ku: Kwayedza, Box 396 Harare kana paEmail inoti [email protected]. Munogona kusiya chero kumahofisi eZimpapers kuManica Post, kwaMutare, kuChronicle Building, kuBulawayo, paHehald House muHarare, kuMasvingo, Beitbridge, Gweru kana kuChinhoyi. – MUPEPETI.

Share This:

Sponsored Links