Mudzimai abatwa chibharo mubhawa

25 Nov, 2023 - 11:11 0 Views
Mudzimai abatwa chibharo mubhawa Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI ane makore 23 okuberekwa wekuClaremount Park, kuGweru anonzi akabirwa RTGs $600 uye ndokuzobatwa chibharo mubhawa rekanzuru risingachashandiswe nemumwe murume apo aifamba oga manheru achienda kune imwe nzvimbo yezvitoro yeko.

Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa20 Mbudzi nenguva dza7 manheru mumusha weAscot kuGweru.

Inspector Emmanuel Mahoko mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands vanoti murume asina kuzivikanwa akavandira mudzimai uyu ndokubira mari yake uye ndokuzomubata chibharo apo aifamba achienda kuAscot Extension Shopping Centre.

“Mudzimai uyu paakasvika padyo nebhawa rekanzuru, kumberi kwake akabva aona murume akangobva nemusango achibva amudzipa. Anonzi akazomudhonzera mubhawa rekanzuru risingachashandiswe achimutaurira kuti aida mari kwaari, akabva azomubira nhare yeItel nemari RTGs $600 pamusoro pazvo akazomubata chibharo,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti panguva iyi, mudzimai uyu akaridza mhere zvakazoita kuti murume uyu atize.

Mudzimai uyu akazoenda kunotsvaga rubatsiro pabhawa re04 Night Club uko akazokwanisa kubatsirwa nemupurisa  wepakamba yeMtapa.

“Tinoyambira veruzhinji kuti vasiyane netsika yekushandisa migwagwa yemusango kana kuti nzvimbo dzine rima kana vachifamba usiku,” vanodaro Insp Mahoko.

Mune imwewo nyaya yakaitika nguva yadarika, mudzimai wemakore 30 okuberekwa anofungidzirwa kuti anorwara nepfungwa anonzi akabatwa chibharo kwaSabhuku Simbi kudunhu raMambo Nyamhondo kuMberengwa.

“Mhosva iyi yakaparwa apo mudzimai uyu aifamba woga achienda kurwizi uye mapurisa ari kutsvaga Tongai Shumba wekunzvimbo yemabhizimisi yeChirovandovo nekuda kwenyaya iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvinonzi murume uyu akatora mukana wekuti mudzimai uyu anorwara nepfungwa achibva amunyengetedza akamubata chibharo.

“Mudzimai uyu haana waakataurira nyaya iyi uye yakazotushuka apo mukoma wake akaona kuti aiva nepamuviri, pavakamubvunzurudza akataura nezvemurume uyu,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa epakamba yeMataga.

“Tinokumbira kune vanoziva nezvemurume ari kutsvagwa uyu kuti vazivise mapurisa ari padyo navo,” vanodaro Insp Mahoko.

Kune vanoda kubatsirana nemapurisa mukuferefetwa kwenyaya iyi vanogona kuridza nhare panhamba dzinoti 0778 069 322 kana 054 2221073.

Share This:

Sponsored Links