Mudzimai nyachide apisa murume nepeturu

26 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
Mudzimai nyachide apisa murume nepeturu Moto wepeturu

Kwayedza

Nokutenda Rusero

MUKADZI wekuChipinge, wekupisa murume wake nepeturu mushure mekunetsana mumba, akatongerwa kugara mujeri kwemwedzi 18 nemhosva yekuedza kuponda.

Cecilia Chitambo (35) mudzimai wechipiri waFungai Nyazana, uyo ane rombo rakanaka rekurarama mushure mekunge amupisa.

Dare rakaudzwa kuti munaNdira gore rino, vaviri ava vakapopotedzana mushure mekunge Chitambo afungira kuti murume wake ari kuita gumbo mumba gumbo kunze.

Mangwana acho, vaviri ava vakanetsana zvekare nenyaya yemari.

Chitambo akabva pamba pavo ndokudzoka akabata chigubhu chakazara peturu.

Akadira murume wake peturu iyi asati amupisa.

Nyazana akamhanyira kuimba yekubikira ndokuzvidira mugomo wemvura kuti aedze kuchengetedza upenyu hwake nekudzimura moto waibvira pamuviri wake.

Akabva amhanyiswa kuchipatara.

Share This:

Sponsored Links