Mudzimai wemuchato atiza nasahwira

23 Nov, 2023 - 09:11 0 Views
Mudzimai wemuchato atiza nasahwira VaGilbon Murasikwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VARUME vaviri vanova masahwira vekuPark Town, kuWaterfalls, muHarare – avo vaimboroja pamba pamwe chete – vave kurarama upenyu hwekatsi negonzo zvichitevera kutorerwa kwakaitwa mumwe mudzimai wake wesvitsa.

VaGilbon Murasikwa (46), avo vanova director kune imwe kambani inoita zvekuvaka – vari kuti vakatorerwa mudzimai wavo nemurume aiva sahwira wavo, Farai ‘Kedha’ Mugabe (48), uyo wavairoja naye pamba pamwe chete kuWaterfalls.

VaMurasikwa vanoti vanofamba vachienda kure nekuda kwebasa ravo rekuvaka zvaikonzera kuti mudzimai wavo nemwana vagare nguva zhinji vari voga izvo zvakapa mukana kuna sahwira wavo wekupfimba mukadzi wavo.

“Ndaigara pano pamba pandairoja neaiva mudzimai wangu Irene Mudambanuki uyo wandine mwana mumwe chete naye ane makore 6 uyo anoenda kukireshi. Tezvara vangu hanzvadzi yemudzimai vaigarawo pano, kusanganisira naKedha aiva sahwira wangu uyo aisava nemudzimai.

“Ini ndaibuda ndichienda kumabasa uko ndaimbopedza mazuva zvikazoita kuti Kedha adanane nemudzimai wangu ini ndiri murima,” vanodaro VaMurasikwa.

Imba yavanoroja

Vanoti vaenda kubasa kuNyabira, tezvara wavo hanzvadzi yemudzimai, vakazobatikidza hanzvadzi yavo akazvivharira mumba mechikomba ichi husiku zvikakonzera kumutswa kwevanhu vanogara pamba apa, mudzimai uyu zvose nechikomba ndokuzvindikitwa kurohwa.

“Vatezvara vangu vakandiridzira nhare vachindizivisa kuti vaiva vabata mudzimai wangu nechikomba, vachibva vataurirawo vamwe vanatezvara naambuya vangu kwaMutare kumusha kwavo. Ipapo vadzimai vangu vakabva vatiza naKedha uyo vari kugara naye semurume nemudzimai kunova ndiko kuri kugara mwana wangu,” vanodaro VaMurasikwa.

Vanoti kunyangwe vakaroora, havana chavakabhadharwa nechikomba icho chinonzi chinosona bhutsu panzvimbo yemabhizimisi yePark Town.

“Nyaya iyi yakandirwadza zvikuru ikandisiya ndarasikirwa nehurongwa hwandaiva naho muupenyu nemudzimai uyu.

Murume uyu akandiparadzira musha wangu, kunyangwe madzitezvara angu naambuya kwaMutare vanogara vachindifonera vachikumbira ruregerero.”

VaMurasikwa vanoti kunyangwe vachigara vachionana nechikomba ichi, vanongosiya zvakadaro pasina kubvunzana nyaya yekutorerwa mudzimai.

Kwayedza yakazoronda Mugabe, uyo kumusha anobva kwaMambo Mugabe, kuMasvingo, panzvimbo yaanosonera shangu paPark Town apo akabvuma kuti ndiye akatora aiva mudzimai waVaMurasikwa.

VaFarai Mugabe

“Ichokwadi, tairoja pamba pamwe chete naGilbon apo aigara nemudzimai wake nemwana pamwe chete nehanzvadzi yemudzimai wake. Mudzimai uyu akauya kwandiri ndokutsvaga rudo kwandiri kwete kuti ini ndini ndakamutanga. Semunhu aigara achinditaurira kuti vakanga vasiyana nemurume wake, ndakabva ndangotiwo dzawira mutswanda ndokudanana zvedu.

“Gilbon aigara asipo saka zuva randakazobatwa ini ndakangoshevedza mudzimai uyu mumba mangu ndokuonekwa tichibva tatanga kurohwa natezvara ava nevamwewo vanhu,” anodaro Mugabe.

Anoti vanhu vakaungana pamba apa achibva aramwirwa mudzimai uyu ndokubva vangoenda vose nemwana vachibva vatanga kugara vose semurume nemudzimai.

“Ichokwadi mudzimai uyu aiva waGilbon asi zvino ndini ndinaye, ndinotogara naye kumba kwangu nemwana waGilbon wacho. Ini handisati ndava newangu mwana naye.

“Kana nyaya iyi ikaramba ichinetsa, ndinogona kusvikomudzinga mudzimai wacho adzokere zvake kumba kwavo,” anodaro Mugabe.

Pakasvika Kwayedza panzvimbo inosonera Kedha shangu, vamwewo vanoti mudzimai uyu aivapo akatiza uyewo pane mashoko anoti vari kugara kwakare kuPark Town zvisinei nekuti Mugabe anoti vari kugara kuRetreat.

“Kana muchida kuona mudzimai wangu huyai zvenyu mangwana toenda tose kumba anotaurawo zvakaitika. Asi ini handichamuda nekuda kwenyaya iyi, ini ndaiva ndisina kuroora saka ndiye mudzimai wangu wekutanga,” anodaro Mugabe.

Murume uyu akapa Kwayedza nhamba dzemumwe waanoita naye basa achiti iye aisava nenhare uye akati nhamba dzenhare dzavadzimai vake aisadziziva.

Kwayedza yakazoedza kuridza nhare panhamba dzasahwira waMugabe idzo dzaisadavirwa kusvikira vatori venhau vakazodzokera zvakare kwaari apo akaramba kunoratidza munyori uno kune mudzimai wake nemwana.

“Varume handione zvakakodzera kuti muende kumba kwangu kunoona mudzimai wangu, zvakaitika zvakaitika kare. Zvinotipei kumutsa nyaya dzakapera kare idzi? Ivo vaiva madzitezvara ake ivavo ndivo madzitezvara anguwo, tinototaura tose,” anodaro Mugabe.

Anoti vagere zvakanaka zvikuru nemudzimai wake uyu.

Kwayedza haina kukwanisa kuona mudzimai ari pakati pekurwirwa nevarume uyu zvisinei nekuti munyori uno akapa Mugabe nhamba dzake dzenhare achiti aizokwanisa kuridza nhare kwaari nekuda kwenyaya iyi, izvo asina kuita.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>