Mukadzi odzingwa pamba achinzi ipfambi

07 Aug, 2023 - 15:08 0 Views
Mukadzi odzingwa pamba achinzi ipfambi Dare

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

MUDZIMAI wemuHarare anoti murume wake ari kumudzinga pamba achimupomera kuti ipfambi uye izvi zvakatanga mushure mekunge abviswa chibereko sezvo aingoita mimba dzichibva.

Izvi zvakabuda mudare reHarare Civil Court apo Kudzanai Mnengwa akamhan’arira Emmanuel Urayaji achida gwaro redziviriro.

Mnengwa anoti akabviswa chibereko mushure mekunge aita mimba shanu dzichibva.

“Ndisati ndaita mwana watinaye, ndakaita dambudziko rekuparadzika pamuviri kanokwana kashanu ndokuzobata mwana mumwe. Mushure mezvo ndipo ndakabviswa chubhu, murume ndokutanga kundituka uye kundishungurudza achiti ndiri kuita chipfambi.

“Akabva atanga kutengesa huku dzangu dzandaichengeta pamwe chete nekutora mari yandaida kuzoshandisa kutenga tumwe tunhiyo ndokundidzinga pamba,” anodaro Mnengwa.

Achipawo divi rake, Urayaji anoti nyaya iyi iri mumaoko anatete vavo avo vanofanirwa kuigadzirisa.

“Iyi inyaya iri mumaoko manatete, ndakavazivisa kuti handichakwanisi kugara nemunhu ane hunhu hwakadaro, ndokusaka ndakamuti aende zvake kumba kwavo. Handina kumutuka kana kumurova uye handisati ndambozviita,” anodaro Urayaji.

Anoti chimwe chakaita kuti amuendese kumba kwawo ndechekuda kugara achingoita ruzha mumba nekumurwisa.

Mutongi Sharon Mashavira vakayambira Urayaji kuti haangomuke nekudzinga mudzimai wake pamba pavo pewanano pasina gwaro redare rinomutendera kutora danho iri.

Vakapa Mnengwa gwaro redziviriro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>