Mukadzi opika jeri abatwa aine mutoriro

20 Jun, 2023 - 12:06 0 Views
Mukadzi opika jeri abatwa aine mutoriro Mutoriro

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MUDZIMAI wechidiki amiswa pamberi pedare reChitungwiza Magistrate’s Courts mushure mekuwanikwa aine mutoriro unokosha $30 000.

Mutongi Barbra Mateko apa Tanyaradzwa Kapitao (24) wepanhamba 151 Svinurai Phase 1, kuDema, chirango chekugara mujeri kwegore rose.

Vazomubvisira mwedzi mitanhatu pachirango ichi paine chidzidzo chekuti haafaniri kupara imwezve mhosva yakadai makore mashanu asati apfuura.

Zvinodhaka zvaakawanikwa ainazvo zvakatorwa uye zvabuditswa mudare sehumbowo.

Muchuchisi VaMunyaradzi Karimazondo vaudza dare kuti nemusi wa26 Kubvumbi gore rino munguva dzemanheru, mapurisa ekuchikamu chematikitivha (CID Drugs and Narcotics, Harare) vakatambira mashoko ekuti Kapitau aitengesa zvinodhaka kumba kwake.

Vachishandisa mashoko aya, vakaenda kumba kwemusungwa uyu vachibva vamusecha asi hapana chavakawana.

Kapitao akazozvipira kuburitsa oga tumapakiti tuviri twaive nemutoriro utwo ainge akacherera pasi muchivanze chake.

Akabva sungwa ndokuendeswa kumapurisa eCID Drugs kunova kwakanoitwa imwe ongororo yezvinodhaka izvi zvikaonekwa kuti zvaive neMethaphetamine.

Kapitau anobvuma mhosva yake.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>