Mukuwasha kunzi aroora

08 May, 2015 - 00:05 0 Views

Kwayedza

“TAUYAWO, tinotsvagawo sadza pano”. Ndiwo mashoko anotanga kutaurwa nemunyai asvika pamba paanenge atumwa kunobvisa roora. Kutsvaga sadza uku hakusi kureva kuti vanoda kubikirwa sadza asi kuti vanenge vachida kuroora mwanasikana wepamba ipapo.

Ivo vana tezvara unozonzwa voti munoda kutsvaga sadza panaani pakati pevakunda kana vanasikana vavo. Kana munyai adoma zita mhandara iya inodeedzwa yobvunzwa kana ichiziva vaenzi ava. Kana avaziva basa rinobva ratanga kubvira pane zvishoma zvatakabata svondo rapfuura zvichienda mberi.

Chikamu chapfuura takatsanangura kubva pakupihwa kwenduma kusvika panobviswa makandinzwa nani. Kana makandinzwanani abviswa baba vanoyeuchidza vakuwasha kuti iye mwanasikana wovotora uyu aimbopota achitamba nendebvu dzababa paya pavaimurezva vachimuisa pamakumbo. Nokudaro mukuwasha anofanirwa kuripira mudzimai wake nekubvisa mari inonzi yematekenyandebvu.

Amai havasariririwo mukuda kuripwa nekudaro vanorevawo vachiti vaisikotama vachicheka zviyo nemupunga ivo vakatakura mwanasikana wavo ichiri mimba. Vanodawo muripo, mukuwasha anobvisa mari inonzi hotamiro.

Havagumiri ipapa amai nekuti ndivo nyakutakura mimba. Unonzwa zvonzi mwanasikana iyeye ari kuroorwa aimbopota achivapfura pfura ari mudumbu. Aiva pfukudza pfukudza nekudaro kupfukudza uku kunodana muripo wemari inodaidzwa kunzi mapfukudzadumbu.

Nyakuroorwa uyu anotarisirwa kuti awanewo bandiko rake pakuroorwa kwake. Pane mari yaanofanirwa kuisirwa mundiro agonhonga yaanoda. Mari yaanenge anhonga iyoyo inonzi manhongo. Manhongo aya anogona kuzogovana natete kana vanin’ina vake.

Baba, nyakutumbura mwanasikana anenge achiroorwa, vanopihwa mari zhinji inodudza kuti ndivo muridzi vakabarira mukuwasha mudzimai achazova amai vevana vake kana kuti achazomuchengeta muupenyu hwose. Ndipo pane kuroora kwose nekudaro panobiswa mari ine mutsindo. Mari zhinji inobvisiswa iyi inonzi rusambo. Inogona zvakare kudaidzwa kuti rugaba kana mabvunziraino.

Vakuwasha vanonzi vabvise pfuma yemombe. Mombe idzi vanotarirwa dzinodiwa navatezvara. Dzimwe dzinogona kubviswa iri mari, asi pane dzinodiwa dziri dzinotsika. Kana zvichinzi dzinotsika zvinoreva mhenyu dzinofamba. Pfuma yemombe iyi inonzi danga.

Baba ivavo vane mombe yavo nzombe yavanofanirwa kupihwa inonzi nzombe yedanga. Kunze kwedanga nenzombe yedanga, amai vanozopihwawo mombe yavo inonzi mombe yehumai.

Mbuya vemuroorwi vanewo chavo chavanopihwa pakuroorwa kwemuzukuru wavo. Mukuwashazukuru anofanirwa kubvisa mbudzi mbiri kana nhatu dzinopihwa ambuya dzinodaidzwa kunzi imbwazukuru.

Kana hunhongwa hwose hwemari hwabviswa kana kukamurirwa, vanochienda kumbatya dzababa nedzaamai. Mbatya idzi dzinonzi mabhachi ababa kana kuti majasi aamai.

Kana zvadai zvoreva kuti mukuwasha uyu atambirwa mumusha nekudaro vanoda kuchionana nekuuchirana nemukuwasha, obvisiswa mari inonzi mauchiro kana kuti gusvi. Ndipo panochiuchiranwa pochitanga kupfachurwa kwemapasuru anenge auya nemukuwasha ayo anodaidzwa kunzi mafidyongo.

Share This:

Sponsored Links