Mumba mukashaya mbereko ndiyani anoshorwa?

28 Jun, 2023 - 14:06 0 Views
Mumba mukashaya mbereko ndiyani anoshorwa? VaGodknows Mabuwa

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MURUME wemuHarare anoti akanetseka zvikuru nedambudziko rekushaya mbereko kwemakore 14 izvo zvakaita kuti iye nemudzimai wake vagare vachishorwa munharaunda yavo, asi akazowaniswa rubatsiro nemachiremba vachibva vaita vana vavo vana (4).

VaGodknows Mabuwa vanoti ivo nemudzimai wavo, Mai Debra Ndudzo, vakange vari chiseko chevanhu vemunharaunda yavo nekuda kwekushaya mbereko.

Vanoti zvisinei nekuti madzimai ndiwo anowanzopomerwa mhosva dzekushaya mbereko, ivo ndivo vakazowanikwa vaine dambudziko iri mushure meongororo yakaitwa nanachiremba.

“Dambudziko rekushaya mbereko irwendo rurefu zvisinei nekuti vanhu vazhinji munyika havaritarisi neziso guru uye madzimai nevanasikana ndivo vanonyanya kunenerwa nyaya dzekushaya mbereko. Asi ndinoti dambudziko iri riri kumativi ose, varume nevakadzi. Harisarudzi kuti uri muchena kana mutema here sezvo richibata zvekare marudzi ose.

“Ini ndakasangana nedambudziko iri kwemakore gumi nemana apo mudzimai wangu ndiye aitonyanya kurifambira, kwese kumaporofita hapana paasina kutsika nekuti aitofunga kuti ndiye ane dambudziko.

“Hazvionekwi nemeso kuti munhu ane dambudziko iri asi zvinotoda michina yemachiremba muzvipatara,” vanodaro.

VaMabuwa vanoenderera mberi vachiti: “Ndaive pamoto mukuru, asi ndinotenda mudzimai wangu akashinga neni nekuti miyedzo yainaya kubva kumativi ose. Zuva nezuva taichema misodzi pamatama. Ndinotondera rimwe zuva ndiri kubasa tiri kutodya hedu sadza nevamwe vashandi apo mumwe murume akanditi zvinoreva here kuti iwe nezera rako hauna mwana, asi uri jon’osi here kana uri jongosi ndiuye zvangu ndinokuitisira mudzimai wako pamuviri.”

Vanoti vakabatikana zvikuru nemashoko aya vakasvika pakurwisana nemurume iyeye pabasa, izvo zvakazoona vachienda kunotongeswa nevakuru vavo kubasa.

“Patakatongeswa kudaro, ndakapedzisira ndataura nezvedambudziko rangu rekushaya mbereko iro ndainge ndisina kugadzirira kutaura nezvaro uye murume iyeye wandakarwisana naye ndakatomukuvadza zvakanyanya nekuti ndakamurova ndiine shungu. Dare revakuru vekubasa rakatozomudzinga basa nekuona kuti ndiye akanga atyora mutemo,” vanodaro.

VaMabuwa vanoti kubva ipapo, vakazodzamisa pfungwa dzavo ndokuvamba sangano rinotsigira vanhu vane dambudziko rekushaya mbereko.

Godknows Mabuwa nemhuri yake

“Ndakaona kuti nyika haina ruzivo maringe nematambudziko aya, ndipo pandakavhura sangano rangu rine mazana nemazana evanhu vari kushushikana nematambudziko ekushaya mbereko zvisinei nekuti vazhinji vavo madzimai. Varume variko vashoma, vazhinji vanouya muchivande tichibatsirana navo asi havadi kuti madzimai avo azive kuti vane dambudziko iri,” vanodaro.

VaMabuwa vanotungamiriri sangano reZimbabwe Fertility Promotion Centre (ZFPC) iro vakavamba mugore ra2018.

“Rimwe zuva ndakaita tsaona nemotokari saka pandakaenda kwachiremba nenhau yekurwara, vakaona BP yangu yakakwira zvikuru. Vakandibvunza kuti chii chiri kundinetsa ndipo pandakataura nhau yekushaya mbereko.

“Mudzimai wangu akatomboita nharo achiti vari kufunga tsaona yavakaita asi ini ndakaudza chiremba kuti nhau inonyanya kundinetsa ndeyekushaya mbereko, zvetsaona zvaitova chinhu chidiki kwandiri. Chiremba akandipanga mazano ndokuzotiita ongororo tese ini nemudzimai wangu vakazoti tozodzoka kuzotora zvichabuda mumazuva mashoma.”

VaMabuwa vanoti zuva rekunotora zvainge zvavhenekwa nachiremba rakavashungurudza kuti zvino dambudziko iri richanzi nderani.

“Takasvika kwachiremba tikaudzwa kuti mudzimai wangu aisava nedambudziko rembereko zvachose, asi ini baba ndini ndaiva naro. Ndakapererwa zvikuru, asi chiremba akati dambudziko rangu raigadzirisika nyore. Akandinyorera mapiritsi aakati ndinwe ndokuti ndichaona mudzimai achiita pamuviri.

“Zvediwo, mukati memwedzi uyoyo vadzimai vangu vakabva vabata pamuviri asi pakazobva pava nemwedzi mitatu tikarwadziwa zvikuru. Takaedza zvekare vakabata pamuviri uye nhasi uno tava nevana vana (4) apo dangwe rine makore manomwe okuberekwa,” vanodaro.

VaMabuwa vanokurudzira vanhu vane dambudziko rekushaya rembereko kuti vabude pachena kuti vakunde nhau dzerusarura uye vakwanise kuwana rubatsiro rwekurapwa nguva ichipo, zvikuru sei vasati vasvika pakuguma ura (menopause).

Zvakadaro, machiremba anove nyanzvi maringe nenyaya dzekushaya mbereko vanoti dambudziko iri rinogona kukonzerwa nekunyanya kusimba kwemuviri wemunhu, kusvuta fodya kwevabereki vese amai kana baba nekubarwa munhu asina chibereko kana kuti aine chibereko chidiki (Mayer-Rokitansky-Küster-Hauser (MRKH) Syndrome.

Zvimwe zvinokonzera dambudziko iri kushomeka kwembeu dzababa kana kuneta kwadzo, kukuvara kwechibereko chaamai kana kuparadzwa kwacho nehutachiona hunokonzerwa nezvirwere zvepabonde kana kutongozvarwa munhu asingabari zvachose.

Nyanzvi munyaya dzechivanhu, Sekuru Peter Maponda vemuHarare, vanoti vanhu vasina mbereko vanonzi ngomwa uye vanosangana nemazita ane zvituko zvinoita kuti vasafare nevamwe.

“Pachivanhu, ukakundikana kuita mwana unosungirirwa guri paunofa wovigwa naro richinzi ndiro mwana wako. Chikonzero ndechekuti paunenge uchararama, vanhu vanenge vachitarisira kuti usiye mbeu panyika uye iwewo mwoyo wako unenge uchichemera izvozvo. Saka kana ukafa uine shungu idzodzo dambudziko rembereko rinotekeshera mudzinza nekudaro rinotukwa vanhu vachisungirira guri zvichiitwa nechembere dzaguma ura.

“Asika, iriko mishonga yechivanhu inogona kugadzirisa dambudziko iri,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>