Mumugwagwa hamudi mukonyo

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views
Mumugwagwa hamudi mukonyo

Kwayedza

BEMBERA PADARE

naWedzerai Nhemachena

ZVINONGODA mwoyo murefu kufamba mumigwagwa yemuZimbabwe nokuti vamwe vatyairi vedzimotokari vanotyaira mota dzavo, pamwe nedzevamwewo vanofambamo sevasina kumbopfuura nekunotorwa marezinesi ekutyaira.

Nokuti tine chinangwa chekunoona mhuri dzedu, hama neshamwari, tinoda kunofara navo, kwete kunochema zororo rino.

Tikasazvibata mumugwagwa chatafambira chinoshaikwa takuvadzisa vadiwa kana shamwari dzedu dzatinofamba nadzo munzendo.

Mumugwagwa hamusi mekuratidzana masimba kana kuita setiri pamakwikwi.

Kwatinoenda kwakasiyana, uye nezvatinofambira zvakasiyanawo.

Nokudaro ngatirege kuratidzana kuti motokari yangu inomhanya kudarika yemumwe ari kushandisa mugwagwa sewe.

Bvumira mumwe apinde zvake kana ane zvaari kumhanyira, tisavharirane mugwagwa kana isu tichifamba zvakanaka.

Chinhu chinokonzeresa ngozi mumugwagwa ndiwo mukonyo, chindingoveni, kutaura panhare uku uchityaira, kusava nehanya nevamwe vatyairi, nekusaremekedza mitemo yemo.

Mitemo yemumugwagwa tinoidzidziswa tose kuti tigone kunzwanana zvakanaka nokuti hatifambe tichidaidzira zvatinenge tichida kuita.

Tinokurukurirana nekushandisa zvinhu zviri pamotokari dzedu zvakaita semaindiketa, kana tava kuda kuenda kune rimwe divi remugwagwa, mahazadhi kana paita dambudziko izvo zvasakisa kuti timire mumugwagwa.

Zvino tikaisa mahadha pese pese, mumwe haaone kuti mahazadhi asi anoona setiri kutsauka nyambisirwa hatisi kutsauka.

Mumwe mutyairi anobva auya, ndipo patinoita gumi rakadya vaviri, zvokuvadza vanhu.

Izvi zvinonyanyoitwa nevanotyaira motokari dzinotakura veruzhinji, makombi.

Tinoyambira vechidiki vanotyaira motokari dzinotakura veruzhinji kuti vakoshese mitemo netsika dzakanaka dzemumigwagwa kuti mwaka uno tisakonzerese tsaona mumigwagwa.

CHENJEDZO:
Hakusi kuchenjera kana tichityora murau wemumugwagwa.

Tinopara ngozi inotitevera upenyu hwese tikakuvadza kana kuuraisa vamwe netsika dzedu dzakaipa.

Tinogona zvakare kuendeswa kujeri kwemakore mazhinji.

Pamusoro pezvo, tinogonazve kutorerwa chitambi chekutyaira motokari.

Zvino kana zvadai chatagona hapana. Tinokushuvirai zororo reGoredzva rakakomborerwa.

Chikuru pazvose kutevedza mitemo yemumigwagwa tichengetedze upenyu hwemhuri dzedu nevamwe, pamwe nemidziyo.

Wedzerai Nhemachena ndigodobori wezvefundo (PhD Business Management; MBA Corporate Strategy and Economic Policy; ne BA English & Communication Studies).

Anobata nemauniversity akawanda muZimbabwe.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>