‘Mungori baba vezita’…70pc yevana handi venyu: DNA

03 Mar, 2020 - 14:03 0 Views
‘Mungori baba vezita’…70pc yevana handi venyu: DNA VaTinashe Mugabe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

Ongororo ye“deoxyribonucleic acid” (DNA) iyo yakaitwa neimwe kambani yemuno yakazvimirira pamusoro pekuti muridzi wemwana ndiani inoratidza kuti chikamu chevarume chinosvika makumi manomwe kubva muzana – 70 percent – veavo vavakaita ongororo vari kuchengeteswa vana vasiri vavo.

Goblal DNA Zimbabwe inoita ongororo dzakasiyana dzinosanganisira varume vanoda kuziva chokwadi chevana vanenge vachinzi ndevavo apo baba, amai nemwana vanogona kutorwa ropa roongororwa.

VaTinashe Mugabe – avo vanova principal consultant kuGoblal DNA Zimbabwe – vanoti ongororo yavakaita mugore ra2018 inoratidza kuti chikamu che70 percent chevarume vakaenda kukambani yavo nevana nemadzimai vachida kuitwa ongororo yakaburitsa kuti varume ava vari kuchengeswa vana vasiri vavo.

“Sebasa ratagara tichiita rekuyananisa vanhu panyaya dzekuda kuziva kuti vana ndevani mushure mekunge varume vasingagutsikane nevana vanenge vachinzi ndevavo – vangava vakaroorana kana kuti vakangoitisana vana – ongororo yatakaita mugore ra2018 yakaburitsa kuti varume vanosvika chikamu che70 percent vanochengeteswa vana vasiri vavo,” vanodaro VaMugabe.

Vanoti ongororo yavakaitazve gore rapera pamusoro penyaya imwe cheye iyi inoratidza zvekare kuti chikamu chevarume vanosvika 63 percent vevakaongororwa vari kuchengeteswa vana vasiri vavo.

“Kureva kuti mugore ra2018 chikamu chevarume vaichengeta vana vavo chaivo i30 percent, kuchizotiwo mugore ra2019 varume vakakwanisa kuwana vana vari vavo mushure meongororo yatakaita i37% bedzi.

“Ongororo yatinoita inounza kugadzikana kwepfungwa  dzevanhu mudzimba dzevakaroorana uyewo nevanodanana nekuti vanhu vanenge vave kuziva chokwadi,” vanodaro.

VaMugabe vanoti vanoshandisa michina yemhando yepamusoro inosvika 21 pakuita ongororo idzi, nekudaro hapana kupotseka kwezvinobuda.

“Zvinobuda muongororo yedu zvinofadza nekusuwisa, asi tine nyanzvi dzinogara pasi nemativi ose kudzikamisa pfungwa dzavo kuti vatambire zvabuda upenyu hwavo hworamba huchiendeka. Izvi zvinoitawo kuti munhu azive dzinza rake chairo zvichibatanidza vanhu kunyangwe kuine vaikuramba,” vanodaro. VaMugabe vanoenderera mberi vachiti, “Kunyangwe pamuviri chaipo, panoongororwa zvoonekwa muridzi wapo. Tinokwanisa kushandisa matooth brush mukuongorora, zvatinoshandisa kubvisa mafunzi munzeve, kutora ropa, kushandisa nzara nezvimwe.

“Mumakore maviri aya anoti 2018 na2019, zvinoratidza kuti varume vazhinji vakauya kuti vazoongororwa vakawanikwa vana vasiri vavo.”

Vanoti mugore ra2019  mumwedzi waKubvumbi, Nyamavhuvhu naZvita ndipo pavakaongorora vanhu vakawandisa nenyaya dzekuda kuziva baba vemwana zvichitevera kuti vana vanenge vari kumazororo zvichiita kuti vanotorwa ropa pamwe chete nevabereki vavo.

“Nyaya idzi dziri kunyanya kukonzerwa nevanhu vakaroorana, vekuti mumwe anogara kure uyewo nekunyengera mukati mevanodanana nekudaro vamwe vanoguma vave kuita kuti vaongororwe nekuti vanenge vave kubhadhariswa mendenenzi.”

VaMugabe vanoti vamwe vanonoongororwa zvichitevera nyaya dzenhaka apo mumwe anogona kunzi haazi wemhuri kana dzinza raanenge achifunga kuti nderake.

Kunze kwekuita ongororo yevanhu, maDNA anokwanisa kuitwa kuzvipfuyo semombe kuti zvizivikanwe muridzi wazvo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>