Munhu afa apo mota yawira murwizi

13 Mar, 2023 - 14:03 0 Views
Munhu afa apo mota yawira murwizi Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNHU mumwe chete akafa, vamwe vashanu ndokukuvara apo motokari yavaive vakakwira yakawira murwizi kuMvuma, kudunhu reMidlands.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti tsaona iyi yakaitika nemusi wa9 Kurume mumugwagwa weHarare-Masvingo nenguva dza4 zuva rodoka.

Elias Madzvanya (36) wekuKwekwe anonzi aityaira motokari yerudzi rweToyota Auris achienda kuHarare aine vanhu vashanu.

Paakasvika pachinhambwe chemakiromita 215 kilometre peg pazambuko reparwizi rwaNyamatikiti, anonzi akatadza kunangisa motokari mumugwagwa ichibva yanowira murwizi.

Vanhu vatanhatu, kusanganisa mutyairi, vakakuvara mapurisa ekuMvuma ndokuenda pachiitiko ichi apo vakakuvara vakabva vaendeswa kuchipatara cheMvuma.

Zvisinei, Magret Chadya (102) akafa achangotanga kubatsirwa.

“Tinokurudzira vatyairi kuti vatevedze mitemo yose yemumigwagwa inosanganisira kusamhanya nekuti kana tikadaro tinodzivirira tsaona dzemumigwagwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Mune imwewo nyaya inodyidzana neiyi, mapurisa vanozivisa nezvetsaona yemotokari yakaitika kuGokwe pakafa munhu mumwe chete uyo aisunda chingoro mumugwagwa.

Tsaona iyi inonzi yakaitika mumugwagwa weKwekwe-Gokwe nemusi wa23 Kukadzi nenguva dza9 manheru.

“Moment Shumba (22) wekuMapfungautsi, kuGokwe, aityaira motokari yeHonda Fit mumugwagwa weKwekwe-Gokwe asina mumwe munhu. Paakasvika pachinhambwe che139 km peg, akabva atsika munhu aisandudzira chingoro achienda kudivi rimwe chete naye achibva apunzikira mutara akakuvara ndokufira panzvimbo.

“Mwana aive muchingoro chaisundwa ichi akakandwa kunze kwengoro achibva anowira mutara ndokukuvara zvikuru,” vanodaro Insp Mahoko.

Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa, mwana ndokuzoendeswa kuchipatara cheGokwe South uko ari kurapwa uye upenyu hwake hunonzi huri pakaipa.

Mutumbi wemurume uyu wakazoendeswa kumochari yechipatara chimwe chete ichi.

“Nyaya iyi iri kuferefetwa nemapurisa. Pamitemo yemumigwagwa, motokari kana zvikochikari zvinofanirwa kuiswa mapepa anopenya kumashure zvose nekumberi atinoti mareflectors izvo zvinobatsira kuti vamwe vanofamba nemigwagwa vakurumidze kuona, kunyanya panguva dzehusiku,” vanodaro.

Insp Mahoko vanoyambira vatyairi vedzimotokari kuti vasamhanye mumigwagwa vachiti ndiyo honzeri huru yetsaona zhinji.

Share This:

Sponsored Links