Muporofita akatumira zvinyadzi pa’WhatsApp’

14 Jul, 2022 - 09:07 0 Views
Muporofita akatumira zvinyadzi pa’WhatsApp’ Madzibaba Muungani

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUPOROFITA wechechi yeSt Elisha Apostolic Church iri kuminda yakagariswa vanhu patsva yeShangwa, kuBeatrice akamiswa mudare rasabhuku weko ndokuripiswa mombe imwe chete mushure mekubatwa nemhosva yekupfimba mudzimai wemuridzi pamwe nekumutumira mufananidzo wake asina kupfeka.

Madzibaba Tonderai Muungani (45) akamiswa mudare raSabhuku Timon Chikwekwete (66) vekuVillage 3 kuShangwa nemhosva yekupfimba Madzimai Egnitta Chinduma (26) pamwe nekuvatumira mufananidzo wake ari musvo.

Madzimai Egnitta mudzimai waVaSteven Mhondiwa.

Sabhuku Chikwekwete vanotsinhira nyaya iyi.

“Madzibaba Tonderai Muungani akapfimba mudzimai wemunhu waainamata naye ndokuzogumisira amutumira mifananidzo yake asina kupfeka.

“Mudzimai uyu akazivisa murume wake kusvikira nyaya yasvika kuno, akabvuma mhosva yake tikamupa chirango chekuripa mombe imwe chete,” vanodaro Sabhuku Chikwekwete.

Vanoti havatarisire hunhu hwakadaro kubva kumunhu anozviti muporofita.

“Muporofita uyu munhu akaroora uye ainamata nemurume wemudzimai uyu nemudzimai wacho zvose. Ini zvangu muno handichamuda nekuti ane mukurumbira wekupfimba madzimai evanhu. Kune kumwe kwaakaripiswa muno nekuHarare nemhosva dzimwe chete idzi,” vanodaro Sabhuku Chikwekwete.

Madzibaba Tonderai ari kutsinhira nyaya iyi.

“Ichokwadi ndakashevedzwa kudare rasabhuku ndatumira mifananidzo yangu ndisina kupfeka kumudzimai wemunhu, Madzimai Egnitta Chinduma. Ndingati ndivo vakanditanga saka ini semurume ndokuzongozadzikisa.

“Ndakanzi ndiripe mombe asi pari zvino ndakafanobvisa mbudzi ndichitsvaga mombe. Ndakapihwa masvondo maviri ekunoripa uye kana ndikatadza nyaya iyi yakanzi ichaendeswa kwaMambo Seke kana Nyandoro,” anodaro Madzibaba Tonderai Muungani.

VaSteven Mhondiwa nemudzimai wavo, Madzimai Egnitta Chinduma — Mifananidzo naJoseph Manditsvara

Anoti akakumbira ruregerero kunaVaMhondiwa pamwe chete nemudzimai wavo waakapfimba.

“Mudzimai uyu ndaimuita mainini saka taiita chiramu chakadarikidza kusvikira ndakazokanda shoko rerudo ndokuzomutumidzira mifananidzo yangu ndisina kupfeka,” anodaro Madzibaba Tonderai.

Anoti nekuda kwenyaya iyi, vadzimai vake — Evelyn Gurure (39) — vakamboronga zvekudzokera kumusha kwavo asi vakazotaurirana.

“Ndakakumbira mudzimai wangu ruregerero akandinzwa, kunze kwemombe, pamari vanoda US$350 inofambirana nemutengo wemombe. Ndinoyambira mamwe maporofita kuti vasatambire padyo nemadzimai, vanoyeredzwa nekuti nyaya iyi yandidzikisira chinamato changu zvakanyanya,” anodaro Madzibaba Tonderai.

Madzimai Egnitta vanoti muporofita uyu akanga avabvira kure achivapfimba.

“Madzibaba Tonderai akatora nguva achindipfimba kusvikira ndazivisa murume wangu ndokumurongera vachinditi mupindure. Akazosvika pakunditumira mufananidzo wake asina kupfeka. Murume wangu akazotakura nhare iyi nemifananidzo vakaendesa kwasabhuku zvakazoita kuti atongwe, takamira kuenda kuchechi iyi,” vanodaro Madzimai Egnitta.

VaMhondiwa (32) vanoti zvakaitwa nemuporofita uyu kukanganisa kukuru sezvo vaitarisa kuna iye pakunamata kwavo kuchechi iyi semukuru wavo.

“Mudzimai wangu anditaridza mashoko erudo aya nemifananidzo wemuporofita uyu asina kupfeka, ndakabva ndaenda kwasabhuku nyaya iyi ikapinda mudare akanzi aripe mombe iyo takamirira kuti abvise sezvo akapihwa masvondo maviri,” vanodaro VaMhondiwa.

Vanoti pane mashoko ari kufamba achitaurwa nemuporofita uyu ekuti mudzimai wavo ndiye akatanga kumupfimba anove ekunyepa.

“Muporofita uyu akaramba achifambira mberi nekutaura mashoko ekusvibisa ini nemudzimai wangu tichamuendera kumapurisa,” vanodaro VaMhondiwa.

Sabhuku Chikwekwete

Mai Ruth Chikwekwete (60) vanova mudzimai waSabhuku Chikwekwete vaipinda chechi vose naMadzibaba Tonderai vanoti zvakaitwa izvi zvinonyadzisa.

“Madzibaba Tonderai imbiri yake yekupfimba madzimai evanhu kubva kuchechi yekuWarren Park nekuno inyaya dzake. Hatichamuda muno, anokanganisa dzimba dzevanhu,” vanodaro Mai Chikwekwete.

Vanoti vanhu vakawanda vakarega kuenda kuchechi nekuda kwemuporofita uyu.

“Madzimai kana taenda kumachechi ngatisaitai hurukuro nemafundisi kana maporofita, ivowo vakuru vemachechi ngavasawana mukana wekupfimba madzimai evanhu,” vanodaro Mai Chikwekwete.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>