Muporofita atiza nemwanasikana

06 Mar, 2024 - 15:03 0 Views
Muporofita atiza nemwanasikana Mwana aina Madzibaba Amos Pondayi Chidhakwa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MHURI ine purazi riri kuZviyambe East, kuHwedza, inoti iri kutsvaga mwanasikana wayo anonzi akatizwa naye aine makore gumi nemana okuberekwa mugore ra2021 nemumwe murume anozviti muporofita ndokuenda kusina anoziva.

Musikana ari kutsvagwa uyu anobva papurazi reGiwa panhamba 380 kuZviyambe East uye hatimudure nezita sezvo achiri mwana.

Anonzi akatizwa naye nemurume anozviti muporofita Madzibaba Amos Pondayi Chidhakwa anobva kuChiguhune, kwaGutu, kuMasvingo.

Mai Rufaro Giwa (62) vanova mukoma waMary, avo vakataurwa navo panhare vari kunyika yeUnited Kingdom uko vari kushanda, vanoti munin’ina wavo akatizwa naye mugore ra2021 apo aiva kupurazi nevamwe.

“Munin’ina wangu uyu aigara nevamwe kupurazi redu rekwaGiwa panhamba 380 kuZviyambe East. Kwakazouya mumwe murume watinongoti sekuru iye Amos Pondayi Chidhakwa anozvitiwo muporofita anonzi anobva kuChiguhune, kwaGutu, kuMasvingo. Kune mashoko anoti ava kuita munin’ina wangu mudzimai wake. Isu semhuri tiri kumutsvaga nemaziso matsvuku,” vanodaro Mai Giwa.

Rufaro Giwa

Vanoti Chidhakwa anonzi akanyengera mwanasikana uyu achimuti ainomutsvagira basa.

“Nyaya iyi yakamhan’arwa kumapurisa ekuDorowa uko pasina chakabuda kuti tiwane munin’ina wangu. Hatizive kuti mupenyu here kana kuti akachekereswa sezvo zvava kutyisa mazuva ano.

“Mamwe mashoko atinonzwa anoti ari kuonekwa mumusha weSouthlea Park, muHarare,” vanodaro Mai Giwa.

Vanoti pane mashoko anotiwo mwana uyu atova nevana vaviri nenhumbu pamusoro kubva paakatizwa naye.

“Munguva pfupi yadarika, kune munhu watinozivana naye akataura kuti akamuona aine vana vaviri nenhumbu pamusoro yava kuda kutosunungukwa. Tinoti kune vanenge vaona mwanasikana uyu nemurume uyu varidze nhare kwatiri kana kumapurisa ari padyo navo kana kuridza nhare pa +447877865061,” vanodaro Mai Giwa.

Vanoti Chidhakwa ihama yavo, wavanotora sasekuru.

“Hatina kana nhare yekwaanogara mwana uyu, zvose neava kunzi murume wacho uyu Madzibaba Amos Pondayi Chidhakwa. Tinokumbira kuruzhinji rweZimbabwe nepasi rose kuti vatibatsire tiwane munin’ina wangu ari mupenyu. Ndinotova nehurongwa hwekuti auye kuno kuUK kwandinoshandira, timutsvagirewo basa tigare padyo nepadyo,” vanodaro.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti vachaita tsvakurudzo yavo nemapurisa ekuDorowa kuti zvigoonekwa kuti nyaya iyi iri kumbofamba sei mukuferefetwa kwayo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>