Kwayedza
Kingstone Mapupu
MURUME anonzi anga ari muporofita, achigara kuForestville, kuKwekwe akawanikwa akazvisungirira mumuti apo aive akapfeka magemenzi.
Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko vanoti mapurisa ari kuferefeta nyaya yaLeonard Chinembiri (51) uyo ane mutumbi wakawanikwa wakarembera mumuti papurazi reForestville.
“Nyaya iyi yakaitika nemusi wa6 Gumiguru nenguva dza9 mangwanani apo Leonard Chinembiri akabva pamba pake akapfeka magemenzi ake achiti aienda kunonamata. Zuva rimwe chete iri nenguva dzemasikati, mumwe mugari wemunzvimbo iyi anonzi Patrick Zisengwe aifudza mombe pasango raiva padyo. Akazoona mutumbi waLeonard Chinembiri wakarembera mumuti wemusasa akazvimonera newaya muhuro,” vanodaro Insp Mahoko.
Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa mutumbi uyu uchibva waendeswa kumochari yechipatara cheKwekwe General Hospital.
“Nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa uye tinoyambira veruzhinji kuti vataurire vamwe matambudziko avo pane kufunga kuti kuzviuraya ndiko kunogadzirisa zvinovanetsa,” vanodaro Insp Mahoko.
Zvichakadai, nyaya dzevanhu vanozviuraya dziri kuwanda mazuva ano nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.
Nguva pfupi yadarika, pane murume wekuMudzi akatema-tema mudzimai wake nedemo, iyewo ndokuzozviuraya nekuzvisungirira mumuti wemumango kuminda yemadiridziro eko nechikonzero chisina kuzivikanwa.
Mwana wepaSt Faith High kwaRusape zvakare mwedzi wadarika akazvisungirira pachikoro ichi achipomera vamwe vaaidzidza navo kuti vaimushungurudza zvakanyanya.
KuBulawawo, kune murume akawanikwa akazvisungirira musango nekuda kwechikonzero chisina kuzivikanwa munguva pfupi yakadarika.
VaGeorge Kandiyero, avo vanova mukuru wesangano rinomirira vanachiremba vechivanhu reZinatha, vanoti mweya wekuzvisungirira haungouya asi kuti unotevedza zvinoitika mumadzinza emhuri.
“Kunyangwe ukaomerwa zvakadii neupenyu, kana mudzinza menyu musina munhu akambozvisungirira haumbofa wakapindwa nemweya wekuzviuraya. Mweya yakadai inotoda kubviswa mukati memisha nekuchenurwa,” vanodaro VaKandiyero.
Madzibaba Mateo Mupfumbati vemuHarare vanotsinhirawo vachiti: “Hakuna munhu anombozviuraya kana mudzinza menyu musina akambozviuraya. Vaye vakafa vachizviuraya ndivo vanoshevedza vamwe nekuti unotonzwa mumwe achiti nhasi chaiye ndiri kuenda sekunge ari kufamba rwendo, achitozviuraya.”