Mupurisa asina chitambi akatsika vanhu

11 Jan, 2023 - 17:01 0 Views
Mupurisa asina chitambi akatsika vanhu Asst Comm Paul Nyathi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) anozivisa nezvekusungwa kwemupurisa anoshandira kukamba yekuRuwa nemhosva yekutsika vanhu vaviri nekombi iyo anga achityaira pachiteshi chemabhazi panaFourth Street, muguta reHarare.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti: “Tine nyaya yatiri kuferefeta yemumwe murume ari muchipurisa kukamba yedu yekuRuwa, Constable Kudakwashe Gotsi, uyo anonzi nezuro (10 Ndira) akatora kombi isiri yake, ndokutanga kuityaira iye asina chitambi achibva atsika vanhu vaviri vakakuvara zvikuru. Murume uyu takatomusunga apo nyaya iyi iri kuferefetwa.”

Vanoti vanoda kuziva kuti muridzi wekombi iyi ndiyani uyewo nekuti chakakonzera mupurisa uyu kutyaira motokari iyi asina chitambi chii.

Pane mashoko ekuti mupurisa uyu aiva akadhakwa paakaita tsaona nekombi iyi, izvo Asst Comm Nyathi vanoti inyaya ichiri kuferefetwa.

“Nyaya iyi iri kufambira mberi nekuferefetwa. Zvinonzi Const Gotsi nevamwe vaiita inonzi 360 degrees, hamheno kuti kutyaira here apo vakamutsa kombi iyi ndokuidzosera nekumashure vakazotsika vanhu vaviri ava,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links