Murume (39) apondwa achinzi muroyi

14 Jan, 2024 - 16:01 0 Views
Murume (39) apondwa achinzi muroyi Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME ane makore 39 ekuberekwa wekudunhu raMambo Nemangwe, kuGokwe anonzi akapondwa nekutemwa-temwa nemabhemba uye nematemo nehama dzake masikati machena vachimupomera mhosva yekuti muroyi aikonzeresa rufu mumhuri.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa9 Ndira nenguva dza14:30 masikati kwaSabhuku Ndhlalambi.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti Collen Bheka (39) akapondwa achienda kuchigayo, chinhambwe chemamita mazana masere kubva pamba pake.

“Murume uyu panguva iyi akabva asangana naTalent Majoni, Evidence Wellington Majoni, Takudzwa Majoni naTrymore Mpofu. Talent, Evidence naTakudzwa Majoni vana vemukoma vemurume wavakaponda uyu,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti varume ava vakatanga kupomera Bheka kuti muroyi.

“Vana (4) ava vakamuvinga vakapakata matemo nemabhemba. Murume uyu nekutyira upenyu hwake, akazotiza ndokunovanda kumba kwababa vake muimba yavo yekurara achibva azvivharira mukati. Varume ava vakamudzingirira ndokunopwanya gonhi remumba maaiva apinda vachibva vamudhonzera panze ndokutanga kumutema-tema nematemo nemabhemba iye achiridza mhere pasina kumunzwira tsitsi,” vanodaro Insp Mahoko.

Panguva yaitika izvi, vabereki vaBheka vanonzi vaivapo vakayeva vachityirawo hupenyu hwavo kubva kuvarume vaitema-tema mwana wavo ava.

“Collen Bheka akabva angofira panzvimbo, varume vana ava vachibva vatiza pavakaona kuti vainge vaponda munhu. Mapurisa ekuGokwe vakazoziviswa nezvenyaya iyi ndokutanga kuferefeta. Mapurisa ari kutsvaga varume vana ava nekuda kwemhosva yekuponda iyi,” vanodaro Insp Mahoko.

“Nyaya dzekupondana dzanyanya kuMidlands, ndiro dunhu raive pamusoro mukupondana mugore richangopera ra2023.”

Share This:

Sponsored Links