Murume asiirwa mwana kasvava

16 Dec, 2022 - 14:12 0 Views
Murume asiirwa mwana kasvava VaMartin Mufandaedza vaine kasvava kavakaramwirwa nemudzimai wavo achibva atiza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME akaremara mitezo anogara mukomboni yepapurazi reMutuvha, kuNorton, anoti akatizwa nemudzimai wake anova muzvere nemusi weMugovera wadarika ndokusiirwa mwana kasvava kanongova nesvondo rimwe chete kaberekwa.

VaMartin Mufandaedza (41), vachitaurwa navo panhare vari kumba kwavo kupurazi uku, vanoti mudzimai wavo – Agness Masango (40) – akaita pamuviri pemwana wechina anova wavo, ndokuenda kuchipatara cheKutama Mission Hospital, kwaZvimba uko akanobatsirwa ndokuzodzoka kumba.

“Mudzimai wangu akaita vamwe vana vake nemumwewo murume vanokwana vatatu, ndakazomutora ndokuita pamuviri tave tose paakazobara mwana mucheche uyu anova wangu. Abuda muchipatara cheKutama, akauya kumba zvakanaka, ndokugara zvedu.

“Kuzoti nemusi weSvondo wadarika, akazongotanga kutaura oga ndokubva atiza pamba achisiya kasvava aka karere mumba,” vanodaro VaMufandaedza.

Vanoti vakazoedza kutevera mudzimai wavo vachironda matsimba etsoka dzake kunosvika kupurazi reZIPAM uko vakamushaya kusvika nanhasi.

“Takatevedza tsoka dzake tikanosvika kuZIPAM asi tikamushaya. Izvozvi ndiri kuchengeta kasvava aka ndoga uye mari yekutenga mukaka handina.

“Ndinokumbira kune vanogona kunge vakaona mudzimai wangu kuti vandiridzire nhare panhamba dzinoti 0775 621 988. Dambudziko rangu ranyanya nekuda kwekuti ndiri munhu akaremara mimwe mitezo,” vanodaro VaMufandaedza.

Vanoti semunhu anotenderera munharaunda yavo achiita mabasa emaricho, havachakwanisa kuita izvi nekuda kwekutiza kwakaita mudzimai wavo pamba achivasiira kasvava.

“Ndava kungoswera pamba ndichisvusvudzira kasvava aka, handina hanzvadzi, mukoma kana munin’ina. Ndinongova ndoga, vabereki vangu vose vakashaika, ambuya vangu amai vemudzimai vane hurema hwehubofu saka hazvigone kuti ndivape kasvava aka.”

VaMufandaedza vanoti vakazivisawo amai vemudzimai wavo, Mbuya Modester Masango, nezvekutsakatika kwemwanasikana wavo avo vanonzi vari kushushikanawo nekuda kwenyaya iyi.

“Hatichaziva kuti mudzimai wangu akaenda kupi. Pava nekutaura-taura kwakawanda kubva kuvanhu, vamwe vachiti dzimwe nguva akaita mwana uyu wekuba uye vamwewo vachiti anogona kunge ava kurasika njere.

“Nhasi chaiye (Chitatu svondo rino) ndazoenda kumapurisa ekuNorton uko vandipa tsamba yekuti ndiende nayo kuSocial Welfare ndigone kubatsirwa nekuvazivisa kuti ndiri kutsvaga mudzimai uyu,” vanodaro.

Inspector Margarate Chitove

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, Inspector Margarate Chitove, vanoti nyaya iyi haisati yasvitswa kumahofisi avo.

Share This:

Sponsored Links