Murume wekuparikwa nemudzimai oripwa

13 Jan, 2024 - 10:01 0 Views
Murume wekuparikwa nemudzimai oripwa Elton Sanyamahwe naThelma Guvakamwe

Kwayedza

Mathew Masinge

DARE guru repamusoro reHigh Court rakapa Cloudio Jume muripo weUS$5 000 mushure mekunge mudzimai wake, Thelmah Guvakumwe, abatwa nemhosva yekuroorana nevarume vaviri mugore ra2022.

Jume akange aendesa chikumbiro chake kudare iri achiti anoda US$50 000 yekurasikirwa nechivimbo nerudo kubva kumudzimai wake uye akareva zvekare imwe US$50 000 yekurasikirwa nekodzero yezvaanofanirwa kuitirwa nemukadzi muwanano.

Akaenda kuHigh Court achiti zita rake rakasvibiswa uye nekubviswa chiremerera.

Zvakadaro, Justice Emilia Muchawa vakarasa nyaya yekurasikirwa nekodzero yezvaanofanirwa kuitirwa nemukadzi muwanano vachiti Jume akange asisina rudo naGuvakumwe.

Guvakumwe akabatwa nemhosva yekuva nevarume maviri mumwedzi waZvita 2022 mushure mekuroorana nemuvakidzani wake, Elton Sanyamahwe, ndokuita mwana naye panguva imwe cheteyo akanga akaroorwa naJume.

Sanyamahwe aiziva nezvemuchato waJume naGuvakumwe paakaita hupombwe naye.

Guvakumwe akabhadhariswa faindi yeUS$10 000 uye akanzi afondoke kwemaawa 105 pasina muripo paWarren Park 1 Primary School, muHarare.

Dare rakaonawo kuti Jume aive munhu asina kuvimbika uye akarambana nevamwe vakadzi vatatu.

Sanyamahwe akaonekwawo asina kuvimbika zvekare sezvo akarambisisa kuti ndiye baba vemwana waGuvakumwe.

Jume naGuvakumwe vakaroorana munaKurume 2014 ndokuzochata munaGunyana 2017 maererano nemutemo weMarriages Act (Chapter 5:11).

Muchato wavo wakaparara munaKurume 16 gore rakapera mushure mekunge Jume aziva nezvekusaivimbika kwaGuvakumwe.

Guvakumwe anoti akasangana naSanyamahwe kubhawa mushure mekurambana naJume uye akazomudhakisa ndokubva vashinha vose.

Sanyamahwe anotiwo akabatwa chibharo naGuvakumwe mushure mekutandara husiku sezvo akazongoona omuka ari mubhawa asina kupfeka.

Jume anoti aifunga kuti mudzimai wake aive awana basa kuChegutu asi iye achigara munharaunda yavo naSanyamahwe.

“Zvisinei, hufakazi hwose hunoratidza kuti Jume murume akaroora mukadzi mudiki kwaari nemakore 24 pamwe nevamwe vanosvika vatatu vaakanga arambana kana kuparadzana navo.

“Akatombozvirova dundundu achiti varume vakaroora vanoenda kumafaro nevakadzi vakawanda uye hazvina mhosva. Zvinozongove dambudziko chete kana vakadzi vakaita saizvozvo.

“Sanyamahwe anonzi aizvirovawo dundundu achiti mudzimai waJume akamusiya nekuda kwekuti aisakwanisa kumugutsa,” vanodaro Justice Muchawa.

Share This:

Sponsored Links