Murwere achiri kuda rubatsiro

26 Apr, 2023 - 17:04 0 Views
Murwere achiri kuda rubatsiro Patience Gahadza

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara kuCrowborough North Phase 3, muguta reHarare, kumusha achibva kuDomboshava – uyo ane dambudziko rekuzvimba dumbu kwemakore matatu akadarika uyewo ane nyama yakarembera paguvhu – anoti ave kuwana rubatsiro rwekuti aende kunorapwa kunyika yeIndia.

Mai Patience Gahadza (26), avo dambudziko ravo rakaburistwa neKwayedza svondo rakapera, vanoti vakaenda kune chimwe chipatara chikuru chemuHarare vakapihwa tsamba yekuti vaende kunyika yeIndia kunobatsirwa kuti vanovhiiwa nekurapwawo zvimwe zvirwere zviri kukonzerwa nedambudziko iri.

Tsamba iyi inoratidza kuti mudzimai uyu anoda rubatsiro rwekuvhiiwa, obviswa chiropa, opihwa chimwe chinoshanda zvakanaka.

Mai Gahadza vanoti vakatanga kuzvimba dumbu mushure mekusununguka mwana wavo wekupedzisira mugore ra2021.

Vakazotizwa nemurume wavo nekuda kwedambudziko iri ndokusiiwa vaine vana vavo vaviri.

“Kubva (Kwayedza) pamakandiburitsira dambudziko rangu mubepanhau, nyaya yacho yakaonekwa nevanhu vakawanda ndikazoenda kune chimwe chipatara chikuru chemuguta reHarare ndikanopihwa tsamba nemumwe chiremba weko yekuti ndikwanise kuenda kunorapwa nemachiremba ekuIndia. Dambudziko ravapo guru zvino ndetrekuti handina magwaro ekufambisa nemari yacho yekukwira ndege neyekunorapiswa yacho,” vanodaro Mai Gahadza.

Vanoti chavainacho itsamba chete yakabva kuna chiremba wepachipatara ichi.

“Ndosaka ndichitaura zvangu kuti ndamirira kufa nekuti kubatsirika kwacho kuri kunetsa mufunge. Chirwere chiri kukura zuva nezuva, izvozvi ndakapihwa tsamba yekuenda kuIndia. Chionai ibepa chete magwaro chaiwo akadai sepasipoti yekufambisa handina, mari yendege yacho neyepekunogara hapana, mari yekudya hapana saka regai ndingotarisa kuna Mwari ndiye anoziva zuva rangu rekufa kana rekurarama,” vanodaro.

Kune vanogona kubatsira mudzimai uyu vanokwanisa kumuridzira nhare dzinoti 0781 966 990.

VaClifford Gahadza (52) vanova baba vaMai Gahadza vanoti vapedza kutengesa midziyo yose vachiedza kurapisa mwana wavo.

“Mwana wangu akazvimba dumbu rinova denda ramutambudza kwenguva yakareba. Murume wake akamutiza, izvozvi ava kugara oga nevana kwavanoroja. Ini baba vacho handisisina zvekumubatsira nazvo nekuti handinawo pekugara zvakare.

“Mudzimai handina, amai vemwana uyu vakatiza kare ari mudiki ndikamurera ndoga sezvo ari iye oga mwana wangu,” vanodaro VaGahadza.

Vanoti ishungu nechido chavo kuti dai vakwanisa kubatsirwa mwana wavo arapwa.

“Mwana uyu ndiye hama yangu yepadyo saka dai vanhu vaitawo tsiyo nyoro akwaniswa kurapwa. Tsamba yakabva kwachiremba kuti agone kurapwa yavapo, magwaro acho ekufambisa nemari yekukwirisa ndege, yekudya neyepekunogara hapana. Tava kungotarisawo kunyika kuti veruzhinji naMwari vachatiitireiwo,” vanodaro VaGahadza.

Share This:

Sponsored Links