Musafambe nezvinokuvadza: ZRP

26 Sep, 2022 - 08:09 0 Views
Musafambe nezvinokuvadza: ZRP Chief-Sup Gumpo

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKURU wemapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuGweru, Chief Superitendent Tambudzai Bibian Gumpo, vari kuzivisa nezvemutemo unorambidza veruzhinji kutakura zvombo zvinokuvadza zvinosanganira tsvimbo, rekeni, mabhemba (machetes) nemapanga.

Vapa chiziviso ichi zvichifambirana nechikamu cheSection 4 chemutemo weMaintenance of Peace and Order Act (Chapter 11:23) uye izvi zvinotevera kuwanda kuri kuita mhosva dziri kuparwa mudunhu iri nevanhu vari kushandisa zvombo.

“Tambomisa kutakurwa kwezvombo zvinokuvadza kwenguva inosvika mwedzi mitatu kubva nemusi wa1 Gumiguru kusvika musi wa31 Zvita 2022 nekuda kwekuwanda kwemhosva dzekukuvadzana nezvombo izvi, vamwe vanhu vachitorasikirwa neupenyu. Chikamu cheSection 4(5) chemutemo weMOPA chinopa mvumo kumapurisa yekutora zvombo izvi pasina kuzivisa uyewo wose anowanikwa ainazvo anorangwa nemutemo kumatare edzimhosva.” vanodaro Chief Supt Gumpo.

Vanobatwa nemhosva yekutyora mutemo uyu vanogona kubvisiswa faindi kana kuendeswa kujeri kwemwedzi mitatu.

Share This:

Sponsored Links