Musandirase, nditambireiwo kana ndobva kujeri: Oscar Pambuka

07 Feb, 2024 - 15:02 0 Views
Musandirase, nditambireiwo kana ndobva kujeri: Oscar Pambuka Oscar Pambuka

Kwayedza

Kingstone Mapupu

AIMBOVA mushamarari ane mukurumbira wepanhepfenyuro pamwe nepaterevhizheni – Oscar Pambuka – uyo ari kupika jeri nemhosva yehukopokopo, anoti anotarisira kubuda mutirongo munguva pfupi iri kutevera uye haana pekutangira muupenyu, nekudaro ari kukumbira rubatsiro kune veruzhinji.

Muhurukuro neKwayedza ari mujeri reHarare Central Prison, Pambuka (37) anoti ari kutarisira kubuda mujeri nemusi wa10 Kukadzi uye haazive zvaari kunosangana nazvo kunze nekudaro anokumbira kubatsirwa uye kutambirwa neruzhinji.

“Mhosva yandakapindira mujeri muno ndeyehukopokopo yatinoti fraud pachirungu. Ndakatongwa ndikapihwa gore saka ndiri kupika pano paHarare Central Prison.

“Ndiri kunze uko ndaiva ndaparadzwa nezvinodhaka asi muno ndadzidza zvakawanda saka ndinoti kune vari kunze uko vasiyane nekutora zvinodhaka. Ndakapinda muno mujeri ndichirema 51 kg asi iko zvino ndava mhitsa, ndave kurema 72 kg,” anodaro Pambuka.

Mashoko ake makuru anoti ari kukumbira kuruzhinji kuti rwumutambirewo nemwoyo une rudo.

“Chokwadi ndinoda kubatsirwa, ndinofanirwa kubuda mujeri nemusi wa10 Kukadzi, kana chekufambisa chaicho kubva pano pajeri handina. Madhara angu uko vanaWicknell Chivayo, Mudhara Phillip Chiyangwa naMudhara Mashwede ndioneiwo mupfanha wenyu anga akavharirwa mujeri mhosva dzinoparwa mundiregererewo, ndava kuuya kumusha kwamuri nditambireiwo,” anodaro Pambuka akazvininipisa.

Oscar Pambuka wechipiri kubva kuruboshwe ari kujeri. – Mifananidzo naTinashe Chitwanga

Anoti akapinda mujeri nemusi wa19 Ndira gore rakapera mushure mekupihwa chirango chekugara mujeri kwemakore matatu asi mamwe makore ndokusendekwa padivi paine chitsidzo chekuti anofanirwa kuva nehunhu hwakanaka.

“Nyaya hombe yandinotaura muno ndeyekutsiura vechidiki kuti vasiyane nezvinodhaka kunyangwe doro chairo. Tikatarisa chikamu chinoita makumi manomwe kubva muzana chevanhu vari mumajeri ndevechidiki vanotora zvinodhaka, kunyanya dombo kana kuti guka nemutoriro.”

Pambuka anotenda vemhuri yake kusanganisira amai vake nevana vake avo vanoenda vachinomuona kujeri pamwe chete nevatori venhau.

“Mudzimai ndakasiyana naye mune zvakanaka, ari kushandira zvake kuLusaka, kuZambia, asi vana vari muno, ishasha kugona kuchikoro. Ndaingonzwa ndiri kuno kuti vari kukunda muzvidzidzo zvavo.

“Ndiri muno mujeri ndakadzidza kunamata nekuzvininipisa nehunhu chaiho hwakanaka. Ndakadzidza kuruka mabhasikiti nekugadzira zviumbwa zvemhuka zvatinogadzira nesadza rinosara, yatinoti art iya kana kuti sculpture. Handikanganwe madhara angu ose vandareva nevamwe vandisina kudoma nemazita,” anodaro Pambuka.

Anoti jeri rinodzosera upenyu hwemunhu kumashure zvakanyanya.

“Ndakarasikirwa nenguva yakakosha zvikuru ndiri muno mujeri inoda kuti ndigone kumhanyisana nezvinoda kuitwa ndava kunze. Saka ndinoti chokwadi musandirase, ndiri mwana wenyu,” anodaro Pambuka.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>