Mushonga ipenzura nebhuku

19 Jan, 2018 - 00:01 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
Kubva muna “Mutakunanzva Wenhetembo”, sarudza nhetembo imwe chete yawakafarira. Zvino chitsanangura zvizere zvinoita kuti uifarire wakanangana nezvainoreva pamwe nemashandisirwo ezvidavado. [25]

Nhetembo yandakafarira inonzi “Dzidza Mwanasikana”, yakanyorwa naNyevero Maruzani.

Chandinofarira mudetembo iri ndechekuti nyanduri anondirayira kuti ndinofanira kudzidza kuti ndiite upenyu hwakanaka sepaanoti, “Kuti upiwe mikana yebudiriro, mushonga ipenzura nebhuku.” Ndinonzwa kufara nyanduri paanondirayira kuti upenyu hunoshandirwa sepaanoti, “Ziva kuti upenyu idikita.”

Mudetembo umu ndinofarira kuti nyanduri anondishuvirawo kuti ndiite fundo yepamusorosoro sezvakaita vamwe sepaanoti, “Sevamwe vana, pindawo mumafomufomu imomo, utevedze gwara ramadhigirii.” Nyanduri uyu ndinomuda nekuti ane chivimbo neni chekuti nekufamba kwenguva ndichabudirirawo zvakanyanyisa muzvidzidzo sepaanoti, “Nerimwe zuva uchaverengwawo pakati pavanamuzvinafundo.”

Ndakafarira dzidziso yekuti pane mamwe mapoka anokwanisa kundibatsira kupinda chikoro sepaanoti, “. . . kuUnited Nations nemasangano akazvimirira ega batsiro izere kuitira dzidzo yako.” Ndinonzwa manyukunyuku nyanduri paanondiudza kuti ndine mukana wakakura wekuendawo kuzvikoro zvefundo yepamusoro nekuti zvave kurerutsira ini mwanasikana sepaanoti, “Kumayunivhesiti zviga zvekutorwa kwevanasikana zvakaderedzwa kuitira dzidzo yako.”

Ndakayemura nyanduri nekushandisa chidavado chechikuwo achindikurudzira kuti ndifunde sepaanoti, “Dzidza mwanasikana, dzidza!” Ndakafarira nyanduri uyu paanoshandisa chidavado chemubvunzonhando achindiyambira kuti ndingwarire vamwe vanhurume vane utsinye sepaanoti, “Chenjerera vaya verudo hwamanyepo, hanzi umbirimi hwei munhukadzi?”

  1. Sarudza nhetembo shanu dzanyanduri mumwe chete wawakafarira muna “Mutakunanzva Wenhetembo”. Zvino chiratidza unyanzvi hwake pakushandisa zvidavado munhetembo imwe neimwe yawasarudza. [25]

Nyanduri wandinoti inyanzvi pakushandisa zvidavado ndiAlouis T. Sagota, nenhetembo idzi; “Machinda Handikuvan”direi”, Sarudzo Yako Ipfimbi”, “Pasi Pamera Honye”, “Kumaruva Kwedu” uye “Mapoto Kupisa”.

Mudetembo “Machinda Handikuvandirei”, nyanduri anoshandisa chidavado chefananidzo sepaanoti, “Kuvanzirana kuvanda sekusazivana.” Nyanduri anotipa chidavado chetsumo sepaanoti, “Kakara kununa nhasi hudya kamwe.” Nyanduri anoshandisazve chidavado chenhapamazwi sepaanoti, “Rwiyo rwumwe rwaingova rwokuti ‘tiri tose’.”

Kubva muna “Sarudzo Yako Ipfimbi”, nyanduri anoshandisa chidavado chenyaudzosingwi sepaanoti, “Kitiri kitiri gu-u!” Nyanduri akashandisa chidavado chemubvunzonhando sepaanoti, “Nhasi wazviona kuti kunyarara hakusiri kutaura?” Ndakafarira nyanduri nekushandisa chidavado chedimikira sepaanoti, “Chirega ruzha tione kunowira tsvimbo nedohwe.”

NB: Uwandu hwenhetembo dzinodiwa nemibvunzo hunosiyana. {Sarudza nhetembo mbiri dzakanyorwa navananyanduri vakasiyana kubva muna “Mutakunanzva Wenhetembo” ugoratidza mashandisiro avanoita zvidavado.} [25]

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>