Mutambiro waMai Nyasha unenge we…

27 Dec, 2019 - 00:12 0 Views

Kwayedza

IMBWA HAIKURIRE SADZA

naIgnitious Mabasa

PAUCHAITA zvauchaita Kisimusi ino, ziva muganhu. Pauchadya mari usakanganwe kuti January ari kuuya.

Pauchapinda mubhawa uchifamba, usazoburitswamo watakurwa. Pauchaenda kuparty dzichaitika, usanwe nekuti vanhu vese vari kunwa, asi iwe ndiwe chete uri kuita kunge bharanzi.

Kana pamuchatamba mimhanzi, zivai kutamba kusingasiye vanhu vachikutaurai kuti, “Mutambiro waMai Nyasha/BaNyasha unenge wekubhawa, wekutsvaga varume.”

Kana musinganwe doro, musaritangire paparty. Kana madhakwa, kurumidzai kuenda kumba kwenyu muchaziva zita renyu, uye musatyaire makagarwa nedoro kunge gudo rakagara pabazi remuti.

Ndiri kutaura kuzvibata nekuzvidzora, kwete kuti ugomirira kudzorwa nevanhu kunge mombe yananga kumunda kwevaridzi.

Nguva dzeKisimusi vanhu tinofarisa zvekukatanura hunhu sehovhorosi.

Usapinde mausingabvumirwe kupinda.

Usavharirane nevausingabvumirwe kuvharirana navo mukati.

Kana uri musikana uzive kuti dziriko nhumbu dzaDecember, nhumbu dzekufarisa nekufurirwa uchi “softwa”.

Vakomana nevarume vane hunhu hwenyoka inoruma chaisingadye.

Kisimusi inguva yekupemberera kuzvarwa kwaJesu, ngairege kuve nguva yekuzvarwa kwenhamo muhupenyu hwako. Usafire ma”selfie” uchidya mafufu segonzo.

Usavhurwe nekuvharwa kusvika wasakara se”door” rekombi.

Chenjerera muviri wako. Unogona kuda lipstick yausina kumbobvira wazora asi woitenga nekuti iKisimusi.

Tichaiona lipstick iyoyo yave nepamazino topedzisira tave kutya.

PaKisimusi muviri wako unogona kukurwisa nenzira dzakawanda.

Muviri wako unogona kukuvadza, asi iwe uchifunga kuti kune mhepo dzasimuka kana varoyi vari kuda kukudya nyangwe usina nyama kunge mbabvu dzeshiri.

Muviri wako une basa rekukushandira, asi muviri iwoyo unogona kukushandisa zvekuti unopedza mari uchiita zvinodiwa nemuviri.

Nyaya yekuti Kisimusi ive nguva yekuita zvatisina kukwanisa kuita gore rese inogona kuti new year iitike takabatwa nemapurisa, kana kuti tiri muchipatara takasungwa nemabhandeji, kana kuti tatova mumochari.

PaKisimusi pano chenjerera muviri wako, unogona kukuvadza.

Panzvimbo yekuti muviri wako upfeke hembe, muviri iwoyo unogona kukutuma kuti upfekwe.

Muviri wako unogona kuita mhandu yako inokutadzisa kuita zvaunofanira kuita kana kukuitisa.

PaKisimusi pano, pane nzvimbo dzaunofanira kubva padziri nekuti ukaramba uripo, uchazorwa mafuta enyama yausina kudya.

Saka kufanana nevachenjeri vemabvazuva, paKisimusi pano tiza vana Herodhi vasati vakuhodhesera huipi.

Muviri wako unotaura, nyangwe usingashandise muromo waunodya nawo sadza.

Muviri wako unogona kutaurisa kudarika wairesi nevashamarari vese vasingamedze mate.

Muviri wako unogona kukuita kuti ufunge kuti ndewako, asi iwo uchiti iwewe uri muranda wawo, uye unoita zvinodiwa nawo.

Funga kuti chiri kutonga chimwe chii?

Uri kutongwa nenyama here kana kuti uri kutonga nyama yako?

Pauchadya zveKisimusi, usadye zvekusiya chikafu chagara paKadoma mumatumbu ako.

Pauchanwa, usanwe kusvika warwarisa nekurwisa muviri wako.

Asika, kana ukarwiswa nechinhu, zvinoreva kuti une mukana wekuchirwisawo kuti chirege kukukurira.

Newe ucharwiswa nemuviri wako paKisimusi pano, asi ramba kubvuma kuitiswa, kukururiswa kana kukurirwa. Chausina, hauna.

Usakwerete uchiti uchadzosera kupera kwemwedzi nekuti December iyeyu achazopera kupera kwaJanuary kana February kana March 2020.

Kisimusi ino tingadye nekunwa, tigotenga wivhi, maBundles nemakeke, tigochena nekudadirana, tigorwa nekupopotedzana, asi ngatisakanganwa kuti chikonzero cheKisimusi ndiJesu.

Saka ngatitore mukana wekuzvarwa kwaJesu kuti tirangarire kuti Mwari vari kuda kuti tivazive, tivakudze nekuvatenda. Ivai neKisimusi ine runyararo.

Share This:

Sponsored Links