Mutemo wekuchengetedza vana worumbidzwa

05 Jun, 2022 - 15:06 0 Views
Mutemo wekuchengetedza vana worumbidzwa Mai Irene Sithole

Kwayedza

Phillipa Mukome-Chinhoi

DARE reConstitutional Court rinorumbidzwa nemutongo warakapa nguva pfupi yadarika wekuwedzera makore ekuti munhu anobvuma bonde kubva pamakore 16 kuenda pa18 okuberekwa senzira yekuchengetedza vanasikana kubva mukumbunyikidzwa.

Vachitaura muHarare pamusangano wakarongwa nesangano reWomen’s Coalition of Zimbabwe svondo rino, Mai Hamida Ismail-Mauto vanove country operations manager kuSRHR Africa Trust (SAT) vanoti mutemo uyu uchabatsira zvikuru mukuchengetedza kodzero dzevanasikana.

“Zvakakosha kuti vanasikana vari pasi pemakore 18 okuberekwa vachengetedzwe, vapihwe dzidzo yakazara maererano nezvebonde nechinangwa chekudzivirira kubata pamuviri pasina kurongeka uye nekutapurirwa zvirwere zvepabonde, kusanganisira HIV,” vanodaro.

Mashoko avo anotsinhirwa naMai Irene Sithole vanove co-founder uye vice chairperson weZimbabwe Blind Women Trust vachiti mutemo uyu wakanakira vanasikana vakaremara.

“Isu sevanhu vakaremara, tinopemberera zvikuru nekugamuchira mutongo uyu wakaitwa nedare guru reConstitutional Court nekuti uchatibatsira kudzivirira kumbunyikidzwa nekushandiswa pabonde kwevanasikana vakaremara,” vanodaro.

Mai Sithole vanoenderera mberi vachiti, “Zvinhu zvinotozivikanwa kuti vanasikana vakaremara vari panjodzi yakakura yekumbunyikidzwa pabonde kupfuura vasina kuremara.

“Izvi zvinobva pazvinhu zvakasiyana-siyana, kusanganisira kushorwa nekutarisirwa pasi kunoitwa vanhu vakaremara mumagariro edu.”

Vanoti kune vamwe vanhurume zvakare vane mafungiro asiriwo pamusoro pevanasikana vakaremara ekuti vakashinha navo matambudziko avo anobva apera.

“Pamwewo ndipo pekuti kune vanoita zvekurapa zvechivanhu vanoti ukarara nemunhukadzi mhandara kana kuti akaremara unopora kuzvirwere zvakaita seHIV neAIDS, izvo zvisiri izvo.

“Vanhu vakaremara vanoonekwa sevasina manzwira ebonde saka varume vanenge vaudzwa izvi vanozoenda kuvasikana vakaremara nokuti vanofunga kuti ndidzo mhandara nokuti havatarisirwi kunge vachiita zvebonde,” vanodaro Mai Sithole.

Share This:

Sponsored Links