Mutumbi wekasvava wawanikwa pahotera

26 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
Mutumbi wekasvava wawanikwa pahotera Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ari kuferefeta nyaya yemutumbi wekasvava wakawanikwa pahotera yeMidlands Hotel, kuGweru nemusi wa16 Mbudzi uye zvinotaridza kuti pane mudzimai aiva nepamuviri akangosununguka mwana uyu achibva amurasa kana kuti akabvisa pamuviri.

Mutauriri wemapurisa kudunhu reMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mumwe mushandi wepahotera iyi anova murindi aitenderera achiita basa rake rekuongorora mamiriro enzvimbo iyi.

Akabva akasangana nemutumbi wekasvava pachivanze chehotera iyi kachirakidza kuti kaiva kakandwa nepahwindo reimwe yedzimba dzepo.

“Mapurisa epakamba yeGweru Central pakangosvitswa nyaya iyi kwavari vakabva vatanga kuferefeta vachitsvaga mudzimai anonzi Theresa Augusto uyo anofungidzirwa kuti ane chekuita nenyaya iyi. Mudzimai uyu anoita basa rekutengesa muviri uye akanga amboonekwa ari pahotera iyi achichema-chema nekurwadziwa nemudumbu. Mukuferefetwa kwenyaya iyi, mapurisa vakazowana bhutsu dzemasandals dzaiva dzizere ropa muimba yaimbenge yakabhukwa nemudzimai uyu musi uyu zvinofungidzirwa kuti ndedzake,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvakadai, mutumbi wekasvava aka wakatakurwa kuendeswa kumochari yechipatara cheGweru Provincial hospital uchimirira kuongororwa nanachiremba.

“Tinokumbira kuruzhinji kune vanoziva kunowanikwa mudzimai uyu, Theresa Augusto, kuti vazivise mapurisa ari padyo navo uyewo tinoyambira madzimai vane katsika kekurasa vana vachangobva kusununguka kana kubvisa pamiviri kuti imhosva huru inovasungisa vachienda kumajeri,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links