Mutumbi wemukadzi wanhongwa usina kupfeka

23 Jan, 2024 - 09:01 0 Views
Mutumbi wemukadzi wanhongwa usina kupfeka Insp Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MAPURISA ekuGokwe, kudunhu reMidlands, ari kuferefeta nyaya yemutumbi wemunhukadzi anofungidzirwa kuti ane makore ari pakati pe18 kusvika 21 okuberekwa uyo wakawanikwa usina kupfeka uye wakayangarara mune chimwe chidhamu chinorasirwa marara nemusi wa9 Ndira.

Mutumbi uyu unonzi wakaonekwa nemukomana ane makore 17 ekuberekwa wekwaSabhuku Dzawo, kwaMambo Njelele, apo aidarika nepanzvimbo iyi achifudza mombe nenguva dza6 zuva rodoka.

Mutauriri wemapurisa kuMidlands, Inspector Emmanuel Mahoko, vanoti mukomana uyu akazomhanya kunozivisa ruzhinji mumusha avo vakazomhan’ara nyaya iyi kumapurisa.

“Tine nyaya iri kuferefetwa nemapurisa ekuGokwe yemutumbi wemudzimai wakawanikwa muchidhamu chinorasirwa marara uine maronda muchiuno nekumusana zvinoratidza kuti akafa nekupondwa. Mutumbi uyu waiva usina kupfeka uyewo mbatya dzacho hadzina kuwanikwa kunze chete kwechipfeko chemukati icho chakawanikwa pedyo uye chakabvarurwa. Zvinofungirwa kuti zvingangodaro mufi uyu akatanga abatwa chibharo asati auraiwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanokumbira kuruzhinji kune zvavanoziva nezvenyaya iyi kuti vazivise mapurisa ari pedyo navo.

“Nyaya dzekupondwa kwevanhu dzanyanya kuno kuMidlands. Vane mashoko avanoda kuzivisa mapurisa vanokwanisa kuenda kumakamba ari padyo navo kana kuridza nhare dzinoti (054) 2221073 kana 0780 693 22,” vanodaro Insp Mahoko.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>