Mutumbi wemwana wowora muchipatara

28 Feb, 2024 - 16:02 0 Views
Mutumbi wemwana wowora muchipatara VaTatenda Vakirai

Kwayedza

Tendai Gukutikwa

CHIPATARA cheHauna District Hospital chinonzi chakachengeta chitunha mumochari yange isiri kushanda zvakanaka uye ndokutora nguva yakareba kupa mutumbi uyu kuhama dzacho zvikaita kuti upedzisire wawora.

Zvinonzi mutumbi waTinashe Vakirai (10) wakaiswa mumochari nemusi weSvondo wadarika pamberi asi wakazoburitswa neChipiri chadarika wawora.

Tinashe akashaya achigara naambuya vake, Mai Jane Tombo, mubhuku raZindi, kwaMambo Mutasa.

Mai Jane Tombo

Anonzi akarwara nemahumunya pamwe chete nemazino.

Mutasa District Medical Officer, Dr Arthur Kapfunde, vanotsinhira kuti mochari yechipatara ichi haina kumira zvakanaka uye iri kuvandudzwa.

Dr Kapfunde vanoti havasati vawana gwaro renyaya yaTinashe.

“Nyaya iyi haisati yaziviswa kwandiri, asi kuti tinoburitsa mitumbi kana magwaro anodiwa aitwa. Kana chiri chokwadi kuti chitunha hachina kuburitswa panguva yaidiwa nemhuri, zvinogona kudaro nekuti pakange pasina magwaro akakodzera ayo anodiwa kuti chitunha chiburitswe,” vanodaro.

Munyori uno akazoita hurukuro nemhuri yemushakabvu nemusi weChipiri apo vaingotenderera pane imwe kambani inoviga vafi maMutare uko kwaipfekedzwa nhumbi chitunha chemwanakomana wavo.

Baba vaTinashe, VaTatenda Vakirai, vanoti pane imwe nguva mutumbi wemwana wavo wakambozoregedzerwa kwavari asi pawakanga uchiiswa mumotokari inotakura zvitunha, pakamuka makakatanwa pakati pemumwe mushandi wemumochari nagadhi pamusoro pemamwe magwaro.

Izvi zvakaita kuti mutumbi uyu udzoserwe mumochari.

Mhuri iyi payakazowana mutumbi uyu neChipiri, wainge watowora.

“Hatina kukumbirwa ruregerero kubva kuchipatara, asi vakanonoka kugadzirisa magwaro ose kubva neSvondo kusvika Chipiri. Takazomanikidzwa kutora affidavit kubva kwaSabhuku Zindi inosimbisa kuti Tinashe akanga afira kumusha kwambuya vake.

“Takanziwo titange tazivisa mapurisa. Hurongwa uhu hwakarebeswa sezvo taiendeswa mumahofisi akasiyana-siyana,” vanodaro.

VaVakirai vanoti vakatadza kubhadhara mari yekuti mutumbi wemwana wavo uongororwe nanachiremba uye vakakumbira vakuru vechipatara ichi kuti ongororo iyi irege kuitwa.

“Takatyamadzwa nezvatakaitirwa zvakadai. Vashandi vemumochari, vanachiremba nemagadhi vose vaiita sevane rimwe.

“Dai vaive nedambudziko rekushaya kwedu mari yekuti paitwe ongororo dai vakatiudza pane kuti tisiye chitunha chemwana wangu chichiwora mumochari yavo isingashande zvakanaka,” vanodaro VaVakirai.

Mai Tombo vanoti mumwe chiremba akarambisa kuti zviratidzo zvavakataura hazvingave zvirizvo zvakakonzera rufu rwemwana nekudaro aiti paifanirwa kuitwa ongororo yemutumbi.

“Vakati vaityira kuzonetswa nekuda kwemutemo webasa nekudaro vakaramba vachitinonokera kutora chitunha chemuzukuru wangu, asi vaiziva kuti mafiriji ekumochari haasi kushanda. Ndiri kurwadziwa zvikuru nekuda kwezvakaita mutumbi wemuzukuru wangu,” vanodaro.

Vatori venhau pavakashanyira mochari yechipatara ichi paive negutukutu rinotyisa pedyo memochari iyi.

Share This:

Sponsored Links