Mutyairi abirwa, ndokuvharirwa mu’sleeping bag’

23 Feb, 2024 - 16:02 0 Views
Mutyairi abirwa, ndokuvharirwa mu’sleeping bag’ Asst Insp Wiseman Chinyoka

Kwayedza

Hazel Chitepo

MUMWE mutyairi wegonyeti rekambani iri mubhizimisi rekutakura zvinhu nguva pfupi yadarika akarasikirwa nematayi 24 emotokari mushure mekuhwandirwa nemakororo ayo akazomuvharira mu”sleeping bag” mumugwagwa mukuru weMutare-Harare.

Vakafanobata chigaro chemutauriri wemapurisa kudunhu reManicaland, Assistant Inspector Wiseman Chinyoka, vanotsinhira nyaya iyi.

Vanoti VaEarnest Chenjerai Kuipa (43), avo vanova mutyairi weDxyle Global Logistics Company, vakarwiswa nemakororo aya apo vaichinja tayi regonyeti rakange raputika.

“Chikwata chemakororo matatu, ayo asina kuzivikanwa, chakavasunga maoko nemakumbo netambo dzebhutsu ndokuvavharira mu’sleeping bag’.

“Apo vakange vakavharirwa mu’sleeping bag’ iri, makororo aya akavatakura kwemamita anosvika gumi kubva mumugwagwa uyu ndokuvasiya kusango.

“Mumwe wemakororo aya akazopihwa basa rekurindira VaKuipa apo vamwe vaviri vakaenda kunoba zvinhu zvaive mugonyeti,” vanodaro Asst Insp Chinyoka.

Mbavha idzi dzakaba matayi 24 kubva mugonyeti iri ndokuaisa mumotokari yadzo. Vakabawo marita 250 edhiziri kubva mutangi regonyeti iri.

Mushure mekunge makororo aya aenda, VaKuipa vakazokwanisa kuvhura zipi ye’sleeping bag’ iri ndokuzvikungurutsa kuenda kumugwagwa.

Vakazobatsirwa nemumwewo mutyairi wemotokari aidarika.

Mutyairi uyu akasunungura VaKuipa maoko nemakumbo avainge vakasungwa ndokuvabatsira kumhan’ara nyaya iyi kumapurisa pakamba yeOdzi Police Station.

Makororo aya haasati abatwa uye zvakabiwa hapana chakawanikwa.

Share This:

Sponsored Links