Mutyairi webhazi reTynwald asungwa

03 Nov, 2022 - 16:11 0 Views
Mutyairi webhazi reTynwald asungwa Bhazi rechikoro cheTynwald

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUTYAIRI webhazi rechikoro cheTynwald High School iro rakaita tsaona ndokuuraya vadzidzi vatanhatu kuNyanga, Machimbidzofa Chamunorwa, akasungwa nemapurisa ekuNyanga muHarare zvichitevera kutsvagwa kwaange achiitwa kwemasvondo matatu njodzi iyi yaitika.

Mutyairi uyu anonzi akasungwa panguva iyo akanga ari kufamba achibata maoko kuvabereki vevana vakarasikirwa neupenyu mutsaona iyi.

“Muchimbidzofa ainge akahwanda nguva yose iyi uye hapana aiziva kwaaive,” vanodaro VaMacMillian Mutusva mumwe wevabereki vakarasikirwa nevana.

Zvinonzi mutyairi uyu akazongobuda pachena mushure mekunge mukuru wechikoro ichi avharisa mari yake yaanotambira.

“Haana kana kuzomboonekwa kubva paakaita tsaona, aingotumira madzikoma ake nemagweta,” vanodaro VaMututsva.

Mukuru wechikoro cheTynwald High School, VaKenias Matimba, havana kubatika kuti vapewo rutivi rwavo panyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reHarare, Inspector Luckmore Chikanza, vanoti havasati vatambira mashoko maringe nekusungwa kwaMuchimbidzofa kumahofisi avo.

Share This:

Sponsored Links