Muzukuru aponda ambuya (94) achivati muroyi

11 Feb, 2024 - 10:02 0 Views
Muzukuru aponda ambuya (94) achivati muroyi Inspector Emmanuel Mahoko

Kwayedza

Kingstone Mapupu

CHEMBERE yekuShurugwi, kuMidlands, inonzi yakapondwa nemuzukuru wayo ichipomerwa kuti inoroya.

Nyaya iyi yakaitika nemusi wa3 Kukadzi mubhuku raMarozva, kwaMambo Banga.

Mbuya Esther Marozva (94) vanonzi vaiva pamusha pavo nemwanakomana wavo, Chamunorwa Mugariri (50), uyewo nemuroora Soneni Mpofu (36) apo Takudzwa Mugariri (25) anova muzukuru wavo akasvika ndokutanga kupomera ambuya vake ava kuti vanoroya.

Takudzwa anonzi akatanga nekutora mbatya dzaambuya vake ndokudzipisa vanhu vakatarisa.

Inspector Emmanuel Mahoko, avo vanova mutauriri wemapurisa kuMidlands, vanoti Chamunorwa Mugariri naMpofu vakaedza kudzivisa Takudzwa pasina chakabatsira.

“Panguva iyi, Chamunorwa Mugariri akazomhanya kumba kwaDorcas Mugariri anova hanzvadzi yake huru kwaSabhuku Mujau, kwakare kwaMambo Banga, ndokunomuzivisa nezvenyaya iyi. Takudzwa Mugariri akazosara achitandanisa Soneni Mpofu pamba apo anonzi airova Mbuya Esther Marozva,” vanodaro Insp Mahoko.

Vanoti pakazodzoka Chamunorwa kubva kumba kwehanzvadzi yake, akasvikowana mutumbi waMbuya Marozva wakazendamiswa pasaga rechibage muimba yavo yekurara apo Takudzwa aiva akagara pamubhedha akatarisa chitunha.

“Takudzwa achingoona Chamunorwa Mugariri, akabva atiza mumba umu ndokunyangarika murima pasina akaziva kwaakaenda. Nyaya iyi yakazomhan’arwa kumapurisa uye mutumbi waambuya ava waiva nemaronda munzvimbo dzakasiyana. Wakazoendeswa kumochari yechipatara cheShurugwi kunoongororwa,” vanodaro Insp Mahoko.

Zvakadai, mapurisa vari kukumbira kuruzhinji kuti vabatsirwe nemashoko anoita kuti vakwanise kusunga Takudzwa nemhosva yaari kupomerwa yekuponda.

“Tinokurudzira mhuri kugadzirisa nyaya dzavo murunyararo uyewo tinoda kuti vanhu vabvise pfungwa dzekuti munhu wose akwegura anongonzi muroyi. Vakwegura vanhu vanoda kurarama sezvinoitawo vechidiki saka ngatiremekedzei nekukoshesa upenyu hwevanhu,” vanodaro.

Mai Priscilla Gavi

Mai Priscilla Gavi, avo vanova executive director wesangano rinomirira vakwegura reHelpAge, vanoshora chiitiko ichi ndokukurudzira veruzhinji kuti varemekedze vakwegura nekuvapa rudo kwete kuvapumha huroyi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>