Muzukuru ‘wekuseva’ mundiro yasekuru obuda majuru nemasvosve

24 Jan, 2024 - 20:01 0 Views
Muzukuru ‘wekuseva’ mundiro yasekuru obuda majuru nemasvosve Tawananyasha Marinde

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUKOMANA ane makore 19 okuberekwa uyo akarerwa nasekuru naambuya vake kuMahusekwa, kwaChihota – wekushaya nyadzi nerukudzo ndokudanana naambuya vake ava – akazonozvipereka kuna sekuru hanzvadzi yaamai ava apo akabatwa nerunyoka rwekubuda masvosve nemajuru.

Tawananyasha Marinde, uyo akakura achirerwa nasekuru vake hanzvadzi yaamai, VaSamson Nyusa (45), akatsinhira kuKwayedza kuti akadanana naambuya kwenguva yakareba apo sekuru vake vainge vachifamba nebasa sezvo vachityaira magonyeti anobuda kunze kwenyika.

Marinde anoti aidanana naambuya vake, Mai Yemurai Takawira (41), avo vakamuchengeta achigara nasekuru vake.

“Ndakadanana naambuya vangu asi ndinodemba zvandakaita, ndakashora sekuru vangu kusvika pekupedzisira. Yaisava mhosva yangu, ambuya ndivo vakandidenha semunhu aigara oga. Dambudziko rakazouya pandakaona masvosve nemajuru achingondinanaira nekundiruma ndichizvimba kumavambo emwedzi waZvita gore rakapera.

“Ndakataurira ambuya vakandidzikamisa ndikazotaurira vamwe vakandiudza kuti rukawo,” anodaro Marinde.

VaYemurai Takawira

Anoti akazozvipira kuna sekuru vake avo vakanga vauya kuzororo reKirisimasi vakamutaurira kuti vaiziva zvose zvavaiita naambuya zvikazoita kuti vaende kun’anga uko vakanopihwa rukawo.

“Sekuru netsiyo dzavo nyoro vakazonditora zvose nemudzimai wavo vakaenda nesu kun’anga yaiva yavapa mushonga uko ndiri kurapwa, masvosve nemajuru nekuzvimba zvava kupera,” anodaro Marinde.

Anoti aichengeta ambuya vake apo sekuru vaisavapo zvakaita kuti vapindwe nemiedzo.

“Sekuru ndivo vakandichengeta pamusha pavo nekundiendesa kuchikoro, handina pekunyarira nekuda kwenyaya iyi. Sekuru vakandiramwira mudzimai wavo asi handigone kugara naambuya semudzimai wangu, ndine vasikana vangu vaviri vandaironga kuroora,” anodaro.

VaSamson Nyusa

VaNyusa vanoti vakarumwa nzeve nevanhu kwenguva yakareba asi vachifunga kuti vaida kuvapesanisa nemuzukuru wavo.

“Ini basa rangu ndinotyaira magonyeti kuenda kunyika dzakasiyana, runyerekupe rwekudanana kwemuzukuru wangu nemudzimai wangu wandine vana 7 naye rwakasvika kwandiri, kusvikira ndakazoronga kuenda kune imwe n’anga. Ndikaitirwa mhiko dzangu, ndakazoona muzukuru ava kuuya achikwenya-kwenya achiti anorumwa nemasvosve uyewo achizvimba, ndikaziva kuti musungo wangu wabata,” vanodaro VaNyusa.

“Nekubuda kwenyaya iyi, mudzimai ari kudzokera kumusha kwake kuChiredzi kuvabereki vake. Nemuzukuru kuti vachagara vose here kana kuti vachadii, hapana chandinoziva. Kuti andiripe handidi, chake chete ndinoda kuti abhadhare mari inodiwa nen’anga yekumubata kuti aishereketa nemudzimai wangu.”

Mai Takawira vanobvuma kuti vakadanana nemuzukuru wavo vachiti vaisachengetwa nemurume.

“Ichokwadi, ndakadanana nemuzukuru nekuti aindiwanisa zvose zvandaida, kusanganisira mari sezvo murume wangu aigara kunze nguva dzose. Baba vaisandipa mari, taigara nenzara nguva dzose nemhuri.

“Dai pasina runyoka taisambobatwa nekuti taiita muchivande chaimo asi nekubatwa kwatakaitwa handione zvichiita kuti muzukuru aite murume wangu. Hamheno murume wangu kuti acharamba achindida here kana kuti achandidzosera kumba kwedu kuTriangle, kuChiredzi,” vanodaro Mai Takawira.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanoti kusavimbana muwanano kwakonzera matambudziko makuru anosanganisira kupondana nekukuvadzana kwevanhu.

“Tine nyaya dzekupondana mudzimba vanhu vachirwisana nekuda kwegumbo mumba gumbo kunze, kungava kwemadzimai kana varume. Tinokurudzira kuvimbana mudzimba uye kana maona matadza kuwirirana tsvagai vayananisi pane kurwisana kana kupondana,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Share This:

Sponsored Links