Mvura yonetsa kuNyanga North. . . Hurumende yocheresa zvibhorani

22 Sep, 2022 - 09:09 0 Views
Mvura yonetsa kuNyanga North. . . Hurumende yocheresa zvibhorani Cde Chido Sanyatwe

Kwayedza

Kingstone Mapupu

VAGARI vekuRuwangwe nekuAvilla nedzimwe nzvimbo dzakakomberedza kudunhu raMambo Katerere, kuNyanga North vakatarisana nedambudziko guru rekushomekerwa nemvura yekushandisa izvo zvave kuona vamwe vachishandisa yavanochera mumifuku.

Dunhu reNyanga North riri muRegion 5 iyo isinganaye mvura zvakanaka.

Mai Margarate Charachimwe (30) vemubhuku raChifambe kuAvilla vanoti vanogeza muviri nemvura yavanenge vashandisa kuwacha mbatya nekusuka ndiro nemimwe midziyo yemumba.

Mudzimai uyu akawanikwa neKwayedza achichera mvura pamufuku murwizi rwaNyaruchena urwo rwakazara jecha.

“Tinorarama nekuwana mvura kubva mumifuku yatinochera muno murwizi rwaNyaruchena. Tine mifuku yatinowana mvura yekushandisa kudzimba, toitawo yatinocherera mombe dzedu nezvimwe zvipfuyo kuti zviwane mvura yekunwa,” vanodaro Mai Charachimwe.

Vanoenderera mberi vachiti: “Tinonzwa kuti nzizi dzedu kuno dzaimbova nemadziva aibata mvura asi akazoguma azara jecha nekuda kwezvikonzero zvakasiyana izvo zvinosanganisira kurima mumahombekombe menzizi idzodzi.

“Zvibhorani tiri kuchererwa zvakawanda asi zvimwe zvacho zviri kunetsa kubata mvura uye zvimwewo zvakafa.”
Mashoko avo anotsinhirwa naMai Chipo Sanyamahwe (42) vekuAvilla kwakare vachiti dambudziko remvura riri kudzosera kumashure mabasa avo ekurima mumapindu zvichiita kuti vavakire mapindu avo akatevedza nzizi sezvo vachitora mvura mumifuku.

“Vakuru vedu muno nemasangano akazvimirira vanocheresa zvibhorani asi dambudziko nderekuti zvimwe zvacho hazvibatike mvura,” vanodaro Mai Sanyamahwe.

Mudzimai pamufuku

Mumiriri weNyanga North mudare reHouse of Assembly, Cde Chido Sanyatwe, vanoti dambudziko rekushaikwa kwemvura mudunhu ravo riri kugadziriswa kuburikidza nekucherwa kwezvibhorani zvakawanda.

“Dambudziko remvura ririko asi seHurumende, tiri kucheresa zvibhorani tichibatsirana neshamwari dzedu muno. Rino idunhu rakaoma uyewo kusanduka kwemamiriro ekunze kwava kukonzera kudzikira kwekunaya kwemvura.

“Tichitaura kudai, takacheresa zvibhorani zvinodarika 100 asi zvimwe zvacho zviri kunetsa kubatika mvura,” vanodaro Cde Sanyatwe.

Share This:

Sponsored Links