Mwana (11) agurwa mazino nemhembwe

20 Mar, 2024 - 17:03 0 Views
Mwana (11) agurwa mazino nemhembwe Angeline Thomas achitaridza vende rezino raakabviswa nemhembwe - Mifananidzo naNicholas Bakili

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA musikana ane makore gumi nerimwe okuberekwa wekuDomboshava anonzi akatungwa nemhembwe, ndokuita zvose gumi rakadya vaviri kuwira pasi, ikamutsika tsika, ndokusara akuvara zvakanyanya uye asisina rimwe remazino ake epamberi.

Izvi zvakaitika apo mwana uyu aitsvaga huni nevamwe vake mugomo reko.

Angeline Thomas (11) – uyo ari kuita Grade 6 uye anogara mubhuku raChiromo, kwaSadunhu Munyawiri, kwaChinhamora –  anonzi akatungwa nemhembwe apo akaenda kunotsvaga huni nevamwe vanomwe mugomo reGatadzvuku nemusi wa15 Kurume zuva rodoka.

Vagari veko vanoti gomo iri rinoyera.

Mwana uyu anoti vaitsvaga huni nevamwe vake musango apo akangoerekana aona mhembwe ichimhanya ichibva kwaiva nevamwe vake ndokusvika ichimutunga, achibva anowira mugomba ndokutanga kumutsika tsika ichibva yapinza gumbo yayo mukanwa make.

Gomo reGatadzvuku iro raitsvagiwa huni naAngeline Thomas nevamwe vake apo akazosangana nemhembwe yakamubvisa zino

“Takaenda kunotsvaga huni tabva kuchikoro nevamwe vangu mugomo reGatadzvuku. Tirimo, ndakazongoona mhembwe yasvika pandiri ndokunditunga ndichibva ndawira mugomba ikanditevera imomo.

“Yakanditsika tsika ikazopinza gumbo rayo mukanwa mangu ndokundichokonya. Ipapo zino rakabva raguka uye ndakarishaya asi mamwe akasara achizunguzika. Kubva ipapo ndava nevende uye mukanwa mangu mava kumera maduzu,” anodaro Angeline.

Anoti mhembwe iyi yapedza kumurwisa, yakabva yangoenda.

“Vamwe vangu vakazouya vachimhanya vanzwa kuchema kwandaiita vakawana mhembwe iyi yaenda, ini ndatokuvara ndichibuda ropa zvakanyanya. Takatsvaga zino rangu rakaguka tikarishaya kusvikira tazodzokera kumba pasina munhu aiva nehuni, tava kutya,” anodaro.

Angeline anoti mazino ake achiri kurwadza uyewo mukanwa make mune maronda.

“Ndaiva ndakazvimba kumeso uyewo muviri wangu uchiri kurwadza. Ndinokumbirawo kutengerwa mazino nekurapiswa sezvo ndiri kurwadziwa,” anodaro mwana uyu.

Mai Fadzai Muronzi

Mai Fadzai Muronzi (27), avo vanova amai vaAngeline, vanoti vaiva kuHarare pakaitika mashura aya.

“Inyaya yekutanga kunzwa kubva ndakazvarwa, kuti mhembwe inorwisa munhu. Ndinochema kuruzhinji nekuda kwemari yekuti mwana arapiswe, anoonekwa nemachiremba nekusimbiswa mazino ake sezvo akawanda ava kuzunguzika,” vanodaro.

Muronzi vanoti chava kunetsa ndechekuti baba vemwana uyu havasi kuda kunzwa nezvenyaya iyi uye kune kunetsana pakati pavo.

“Hakuna zvimwe zvatingafunge kunze kwekuti mabasa ehuroyi nechivanhu chete aya,” vanodaro amai vemwana uyu.

Mai Princess Muronzi (29), avo vanova amaiguru vemwana uyu uye vanogara naye, vanoti vanofungira kuti mhembwe iyi ndeye varoyi.

“Ndakashamiswa kunzwa kuti mwana atungwa nemhembwe musango vachitsvaga huni, kwandiri zvinoshamisa. Ndinoti mabasa evaroyi vane chinangwa chekuda kuuraya mwana wangu,” vanodaro Mai Princess Muronzi.

VaLancelot Muronzi

VaLancelot Muronzi (59) vanova sekuru vaAngeline vanoti vanotora chiitiko ichi setsaona yakangoitikawo.

“Dzimwe nguva inongovawo tsaona yakaitika kumwana uyu. Hongu, chivanhu tinacho muno asi handizive kuti zvinofambirana here nenyaya iyi,” vanodaro VaMuronzi.

VaLovemore Bapata (49) vanogara mubhuku raBapata vanoti zvakaitika izvi zvinoshamisa.

“Ichi chivanhu chizere, hakuna mhembwe inotunga kana kurwisa munhu, inototiza nekuti imhuka inoda runyararo.

Kunyangwe ukaibatira mwana wayo chaiye watinoti tsvana uye, haina zvainokuita. Sango iri rinoyera nekuti kune vanhu vaimbokanya zvidhinha ikoko vakanochera matsime kukazowanikwa rimwe tsime rakazara nyoka vanhu ndokurega kukanya zvidhinha.

“Nyaya iyi inoda kufambirwa sezvo mhondoro yaiva kuno yakashaika munguva yakadarika,” vanodaro VaBapata.

VaSilas Murwira (32) vanova sekuru vaAngeline zvekare uye vagere mubhuku raMatabvu, kwakare kuDomboshava, vanoti havana neremuromo nekuda kwenyaya iyi.

“Nyaya iyi inotyisa nekushamisa. Takangonzwa kuti mwana adhumwa nemhembwe akabva zino. Gomo iri rinoyera, kwakamboita mazuva mutsime reko makazara mukweshwa wenyoka uye ndiko kunoitirwa mukwerera nemapira enzvimbo ino.

“Tine mhondoro yekuno yainzi Nyamhunga homwe yacho yakafa, saka tinoda kubatsirwa pachivanhu nekutiwo mwana uyu arapiswe sezvo achigona kunge akakuvarira mukati,” vanodaro VaMurwira.

Share This:

Sponsored Links