Mwana (13) akaponderwa kubata mazamu

03 Feb, 2024 - 11:02 0 Views
Mwana (13) akaponderwa kubata mazamu Inspector Ian Kohwera

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA wechikoro ane makore 13 okuberekwa anonzi akapondwa naamai vemusikana waakaedza kubata mazamu vachibatsirana nemwanakomana wavo kwaMambo Rwizi, kuMhondoro.

Inspector Ian Kohwera, avo vanova mutauriri wemapurisa kudunhu reMashonaland West, vanotsinhira nyaya iyi vachiti yakaitikira panzvimbo yemabhizimisi yeKwari.

Vanoti mukomana uyu, uyo aidzidza paGavaza Rwizi Secondary, akafa nekurohwa naamai vemusikana uyu nemwanakomana wavo.

“Tine nyaya yatiri kuferefeta yekupondwa kwemwanakomana aipinda chikoro iri kupomerwa Norgerty Jekesani nemwanakomana wake ane makore 14 okuberekwa avo vanonzi vakarova mukomana wekuzofa uyu vachimupomera mhosva yekuti aishungurudza mwanasikana wavo achida kumubata mazamu,” vanodaro Insp Kohwera.

Vanoti mukomana wekuzoshaika uyu, Leeroy Munyanyi, akarohwa ndokuzoendeswa kuchipatara uko akazofira.

Mushakabvu uyu anonzi akaroverwa musoro wake pasamende uye ndokurohwa nembama kakawanda muviri wose.

“Jekesani nemwanakomana wake, uyo aipinda chikoro paMatanha Chikara Secondary, vose vakasungwa nemapurisa nekuda kwenyaya iyi, iyo yava kumatare edzimhosva kuChegutu Magistrate Court. Vaviri ava vakapihwa bhera reUS$100 pamumwe rekuti vatongwe vachibva kumba. Vachadzoka kudare nemusi wa5 Kukadzi vachipomerwa mhosva yekuponda,” vanodaro Insp Kohwera.

Mutongi munyaya iyi ndiVaJoseph Mundondo.

Jekesani nemwanakomana wake vari kumirirwa mudare negweta Unite Saizi rekambani yeSaizi Law Chambers.

Share This:

Sponsored Links