Mwana (9) ane mimba: Baba vake vakasungwa

04 Nov, 2022 - 10:11 0 Views
Mwana (9) ane mimba: Baba vake vakasungwa Mwana ane mimba

Kwayedza

Ethel Ncube

MAPURISA asunga baba vemwana ane makore mapfumbamwe okuberekwa uyo ane pamuviri pane mwedzi misere kuti vabatsire mukuferefetwa kwenyaya iyi.

Mutauriri wemapurisa munyika, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vanotsinhira nyaya iyi.

Pasi pemutemo webumbiro reZimbabwe, zera rekubvuma bonde makore 18.

“Baba vemwana ane makore 9 ekuberekwa uyo ane pamuviri ari muchipatara cheUnited Bulawayo Hospitals vari mumawoko memapurisa vachibatsira mukuferefetwa kwenyaya iyi. Semapurisa, takabatikana nenyaya iyi kuitira kuti tiwane umboo hwemunhu akamubata chibharo,” vanodaro Asst Comm Nyathi.

Asst Comm Nyathi

Mambo Gampu vedunhu rinobva mwana uyu, vanoti mapurisa akafunga kutora baba vemwana uyu sezvo nyakushungurudzwa asingakwanise kuburitsa pachena maringe nezvemunhu akapara mhosva iyi.

“Ini semutungamiri wedunhu rino, ndiri kushushikana zvikuru nezvakaitika kumwana uyu sezvo achiri mudiki kuti ave mubereki. Matanho akatorwa ekuti mwana abude pachena kuti ndiani chaizvo akamushungurudza pabonde asi hapana chaari kuburitsa kuratidza kuti aityiswa neakazviita kuti asataure chinhu.

“Nhumbu iyi yakabuda pachena mushure mekunge aendeswa kuchipatara cheTsholotsho achichema-chema nekurwadziwa nemudumbu. Chiremba vakamuongorora vakaona kuti akanga ava nepamuviri.

“Vachibva kuchipatara, vakauya kuzondizivisa nezvenyaya iyi asi ndakavazivisa kuti inoda mapurisa mukati. Pari zvino baba vemwana uyu vari kumapurisa vachibatsira kuferefetwa kwenyaya iyi,” vanodaro Mambo Gampu.

Regai dzive shiri

Vemhuri yemwana uyu vanonzi vakadaidza vechechi nemaporofita kuti vanamate vaburitse pachena mupari wemhosva asi hazvina kubatsira.

“Vemhuri yemwana uyu vakazoona kuti nzira chete yekuwana chokwadi kuita maDNA munhurume wose akambogara nemhuri iyi nevavakidzani kuti vaone kuti ndiani akapara mhosva iyi,” vanodaro Mambo Gampu.

 

 

 

Share This:

Sponsored Links