‘Mwana akaguta haadofore’

18 Nov, 2016 - 00:11 0 Views
‘Mwana akaguta haadofore’

Kwayedza

MUKURU wedzidzo mudunhu reHarare, VaChristopher Chamunorwa Kateera, vari kurumbidza chirongwa chekupa vana zvekudya muzvikoro, cheHome Grown School Feeding Programme (HGSFP), vachiti chiri kubatsira kuti vadzidze zvakanaka uye kuti vasarovhe kuchikoro.

Vachitaura nevakuru vari kuona nemafambisirwo eHGSFP kumadistricts akasiyana muHarare nguva yadarika, VaKateera vanoti chirongwa ichi chiri kubatsira zvakanyanya sezvo vamwe vana vasingawane zvekudya zvakakwana kudzimba dzavo.

Vanoti vana vakadai vanogona kudzokera kumashure mufundo yavo kana pachinge pasina zvirongwa zvekuvapa zvekudya muzvikoro.

“Chirongwa ichi chiri kutibatsira zvakanyanya kuti vana vakwanise kuuya kuchikoro. Zvakare, vana vanoita shungu dzekudzidza sezvo vanenge vakaguta. Nzara inokanganisa mwana wechikoro sezvo vazhinji vanenge vaine nzara vanopedzisira vokotsira vari pakati pekudzidza,” vanodaro VaKateera.

Vanoti chirongwa ichi chauya panguva yakafanira sezvo dzimwe mhuri dzakatarisana nekushomeka kwezvekudya nekuda kwemvura isina kunaya zvakanaka mwaka wadarika.

“Vana vakadzidza vakaguta vanokwanisa kubata zvavanodzidziswa nenguva uye pasina dambudziko.”

VaKateera vanoti chishuwo chavo chekuti chirongwa ichi chirambe chichienderera mberi.

Vanotiwo zvakakosha kuti avo vari kutungamirira chirongwa ichi kumadistricts vaone kuti zvekudya zviri kupihwa vana izvi zvabikirwa munzvimbo dzakashambidzika kuitira kudzivirira kunyuka kwezvirwere zvakaita semanyoka.

Chirongwa chekupa vana zvekudya mudunhu reHarare chakaparurwa mwedzi wadarika nemunyori mukuru mubazi redzidzo yepuraimari nesekondari, Dr Sylvia Utete-Masango, pachikoro cheTashinga Primary School, kuMabvuku.

Pasi pechirongwa ichi, vana vepuraimari vanopihwa zvekudya zvinovaka muviri kamwe chete pazuva.

Chinotarisirwa kuzosvikawo kuvana vesekondari nekufamba kwenguva.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>