Mwana ane dundiro riri panze

24 Jun, 2022 - 14:06 0 Views
Mwana ane dundiro riri panze Takunda Zhanda

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MWANA mukomana ane makore manonwe ekuberekwa anogara naamai vake kuManyame Park, kuChitungwiza asiira chikoro panzira nekuda kwedambudziko rekuti ane dundiro (bladder) riri panze uyewo haana nhengo yekuitisa nayo tsvina iyo inobuda nepadumbu.

Pamusoro pezvo, mwana uyu haana sikarudzi yakakwana nekudaro amai vake vari kutsvaga rubatsiro rweUS$16 000 yekuti vaende naye kunze kwenyika kuti anobatsirwa.

Sezvinonzi izvi zvishoma, baba vemwana uyu vanonzi vakatiza amai vake apo vakamuzvara vachiti kwavo hakubarwe manenji akadaro. Mai Ellis Zhanda (37) vanove amai vaTakunda Zhanda vanoti murume wavo akatiza mushure mekunge aona dambudziko remwana uyu iri.

“Mwana uyu ndewechipiri, ndakamusunungukira kuchipatara cheNorton asina nhengo inoburitsa tsvina, asina sikarudzi yakakwana uyewo aine dundiro riri kunze kwedumbu. Zvakawanda zvinoda kugadziriswa pamwana wangu,” vanodaro Mai Zhanda.

Vanoti dundiro remwana wavo rinoburitsa weti inongoyerera nepadumbu yakasangana netsvina sezvo padumbu pake pakaboorwa nemachiremba apo paanoita napo tsvina.

“Mwana uyu ndamusununguka, ndakazoendeswa kuchipatara cheSally Mugabe uko akazoboorwa buri rekuitisa tsvina padumbu. Matambudziko ake ose aya anoda kugadziriswa, kureva kuti nzira yake yekuzvibatsira nayo inofanirwa kuvhurwa, dundiro rogadziriswa zvakare kuti ridzoserwe mukati.

“Sikarudzi yake inodawo kugadziriswa, kunovhiiwa kuti aite munhurume azere,” vanodaro.

Mai Zhanda vanoti machiremba anoti Takunda anoda kuendeswa kunyika yeIndia kunovhiiwa nemachiremba eko kuti matambudziko aya agadziriswe.

Takunda naamai vake Ellis Zhanda

“Haagone kugara, asi kuti anozvambarara kana kuchonjomara nekupfugama. Nekuda kwedambudziko iri, anogara achirwadziwa.

“Mari iri kudiwa kuti anorapwa inokwana US$16 000 pasina yekukwirisa ndege neyekudya uye yepekunogara iri kudiwa zvakare.”

Mai Zhanda vanoti vari kubatsirwa nesangano reTeam Royalty iro rakavatoresa magwaro ekufambisa vose nemwana wavo.

“Sangano iri rakatitoresa mapasipoti tose nemwana, chasara imari yekunorapwa kwemwana, US$16 000 neyekukwira ndege, yekunodya neyepekugara. Takataurirwa kuti maVisa anozobuda kana mari iri kudiwa iyi pamwe neyekunorapwa, yekufambisa nekunodya yavapo,” vanodaro.

Vanoti Takunda haadye sadza sezvo achifanirwa kudya chikafu nezvimwiwa zvinokurudzirwa nemachiremba izvo zvinovadhurira zvakanyanya.

“Tine machubhu anotambira tsvina anoiswa matatu pazuva uyewo nemapamper nesipo zvinodiwa kuitira hutsanana. Mumba mandinogara hamuna kuita zvakanaka zvinoita kuti tigare tichitonhorwa uye hatinawo magumbeze anokwana,” vanodaro Mai Zhanda.

Vanoti mwana wavo haagone kufamba uye vanotomubereka kumusana nekuda kwedambudziko rake iri.

Vanoda kubatsira mwana uyu vanoridza nhare dzinoti 0783 218 797 kana 0719 064 863.

VaZvenyika Kamwana (46) vanove munyori kusangano reTeam Royalty vanoti vari kupemha mari yekuti Takunda naamai vake vakwanise kuenda kunze kwenyika kuti vanobatsirwa.

“Takakwanisa kuvatoreresa magwaro ekufambisa chete uye tiri kutaurawo nevamwe kuti tipemhe mari inodiwa iyi asi hapana chati chavapo,” vanodaro VaKamwana.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>