Mwana weForm 6 afa arumwa nenyoka mukirasi

16 Jan, 2023 - 15:01 0 Views
Mwana weForm 6 afa arumwa nenyoka mukirasi Melody Chiputura

Kwayedza

Fungai Lupande

MWANASIKANA anga achiita Form 6 paRushinga High School, kuMashonaland Central, akafa mushure memaminetsi makumi matatu arumwa nenyoka yerovambira ari mukirasi nemusi weChina svondo rakapera masikati.

Melody Chiputura (17) akanga adzokera muchikoro achibva kumitambo yemasikati aine vamwewo vana kuti vanopedzisa zvidzidzo zvezuva iri apo akarumwa nerovambira pachidya.

Kunyangwe nyoka iyi yakazouraiwa nevamwe vana vechikoro, Melody akazoshaika asati abatsirwa ari munzira kuenda kuchipatara.

Mutumbi wemusikana uyu wakaradzikwa nemusi weMugovera wadarika mubhuku raKanyemba, kuRushinga kwakare zvikasiya vagari venharaunda iyi nevana vechikoro vaine kutya kukuru.

VaJoseph Chiputura, avo vanova baba vaMelody vari zvakare kanzura weWard 13 kuRushinga, vanoti vakanosvika kukiriniki yeRushinga uko Melody akanga amhanyiswa kwangodarika maminetsi makumi maviri bedzi.

“Patakaridzirwa nhare, kwakange kwangopera maminetsi gumi achangobva mukurumwa nenyoka iyi, asi patakasvika pakiriniki iyi taiva tanonoka kare. Zvinorwadza nekunetsa kuzvitambira, handinzwisise kuti nyoka ingapinde seiko mukirasi inodzidzira vana pachikoro ndokunoruma mwana wangu,” vanodaro Kanzura Chiputura.

“Mwanasikana wangu aiva neramangwana rakajeka uyewo aida chikoro zvakanyanya, achienda kuchikoro nguva dzose. Tarisiro yake yaiva padzidzo zvaikonzera kuti timuwanise zvose zvaaida.

“Aiita zvidzidzo zvinosanganisira History, Psychology neReligious Studies uyewo chishuwo chake aida kuita psychologist,” vanodaro.

Rovambira inyoka ine hukasha, ichimhanya zvikuru uye iine huturu hwakaipisisa. Ikavhundutsirwa inokurumidza kuruma.

Nyoka yerovambira iyo yakaurayiwa mushure mekuruma Melody Chiputura ari mukirasi pachikoro cheRushinga High School.

Nyoka iyi inoreba kusvika mamita matatu kana kudarika uyewo painoruma munhu kamwe chete inoburitsa huturu hunogona kuuraya vanhu vakuru vatanhatu.

Ndiyo nyoka inonzi yakanyanya kuipa panyaya dzekuuraya pasi rino. Vanhu vazhinji vanorumwa nenyoka iyi vanofa mushure memaminetsi makumi maviri bedzi.

Nyoka iyi yakawana zita rayo kubva muruvara rweganda yaro rwakaita sekunge grey uyewo neruvara rutema rwemukanwa mayo umo munooneka kana ichinge yashama yashatiriswa.

Mukuru wechikoro cheRushinga High School, VaChristopher Murenga, vanoti waiva musi weChina apo vana vose vakaenda kumitambo yakasiyana.

Nenguva dza3:50 masikati, vana vechikoro vakadzoka kubva kumitambo vachisvikopinda mumakirasi avo vava kuda kurongedzera kudzokera kudzimba.

“Musikana uyu akanogara padhesiki rake remazuva ose raiva rechitatu kubva kumadziro nemamwewo madhesiki maviri pamberi pake paiva nevamwe vana vechikoro. Ipapo akabva achema achiridza mhere achiti pane chinhu chaiva chamuruma,” vanodaro VaMurenga.

“Vamwe vana vechikoro vakazoona kuti yaiva nyoka ndokuvhunduka vamwe vakasvetuka nepamahwindo, vamwe vechikomana vakazotakura Melody kubuda naye panze vachishevedzera kuti abatsirwe.”

VaMurenga vanoti mushure memaminetsi mashanu, vakakwanisa kumhanyisa Melody kukiriniki yeRushinga apo vairidzira vabereki vake nhare.

“Vabereki vemwana uyu vakasvika mushure memaninetsi makumi maviri vaine mishonga yechivanhu.

“Panguva imwe chete iyi, takaridzira nhare kuchipatara cheChimhanda Hospital uko chiremba akatitaurira kuti tiunze Melody nenyoka yaiva yauraiwa iyi kuchipatara uku,” vanodaro.

“Mwana uyu akafa achienda kuchipatara, tiri mukutya kukuru, hatizive kuti nyoka iyi yakabva kupi. Kirasi yekudzidzira iyi iri kure nenzvinbo dzinofanirwa kunge dzichiwanikwa nyoka.

“Nyaya iyi haitsanangurike, nyanzvi dzinoona nezvekugadzikana kwepfungwa dzechikamu chePsychological Unit dzichange dziri pachikoro pedu nhasi (Chishanu chadarika) vachitaura nevana. Tashevedzawo nyanzvi dzecounselling and guidance teachers kuti vazotaura nevana vedu vemaForm 6 vakaona izvi zvichiitika.

“Aiva mwanasikana ane hunhu, aiterera uye akadzikama. Patinoita mabasa ekutungamirira mumabasa akasiyana aitungamira mukubika nezvimwe. Tarasikirwa nemusikana aiva akangwara airatidza kuti aizobudirira mubvunzo dzake dzeForm 6,” vanodaro.

Mutevedzeri wemukuru wezvedzidzo mudunhu reMashonaland Central, Dr Themba Mangwiro, avo vaivapowo pakuvigwa kwemutumbi wemwana uyu, vakashanyira chikoro ichi.

Vanoti hapana huswa hurefu pachikoro apa uyewo mugwagwa unoenda kukirasi yekudzidzira yaipinda mwana uyu hapana huswa, pakachena.

“Mashoko atakawana ndeekuti nyoka iyi yakambenge yaonekwa kumakomo ari pedyo nechikoro ichi nemumwewo mugari wenzvimbo iyi. Zvinonzi nyoka iyi yakazoyambuka mugwagwa mukuru apo mumwewo munhu akanga amboirova,” vanodaro.

Dr Mangwiro vanoenderera mberi vachiti: “Tinofungidzira kuti sezvo vana vaiva kumitambo kunhandare, nyoka iyi yakaverera ndokunokwanisa kupinda muimba yekudzidzira iyi sezvo maiva nerunyararo.

“Zvose zvaifanirwa kuitwa zvakaitwa, musikana uyu ndokufira mumugwagwa achiendeswa kuchipatara cheChimhanda. Iyi inyaya inotyisa, zvakadaro tinokurudzira vakuru vezvikoro kugara vachicheka huswa nguva dzose munzvimbo dzakakomberedza zvikoro zvavo.

“Chiitiko ichi chinoita kuti tivandudze mashandiro edu ekugadzirira tsaona dzakadai muzvikoro zvedu, hatina kumbobvira takafunga kuti chiitiko chakadai chingatore nzvimbo mudzimba dzekudzidzira.

“Tinoda kudzidzisa vana vedu kuti nyoka hadzidi kushatiriswa sezvo tichinzwa kuti nyoka iyi yaida kuruma zvakare mumwe mwana wechipiri,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>