Mwana wekuraswa 1995 otsvaga vabereki, hama

03 Apr, 2024 - 08:04 0 Views
Mwana wekuraswa 1995 otsvaga vabereki, hama Patie David mufananidzo waakatorwa achiri mudiki panguva yaakanhongwa paMbare Musika.

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANASIKANA ane makore 29 okuberekwa – uyo akanhongwa achimbeya paMbare Musika, muHarare, munaKurume 1995 apo aiva nemakore maviri okuzvarwa – ari kutsvagawo kuti asanganiswe nevabereki vake kana hama dzepedyo.

Musikana uyu anonzi akanhongwa nemumwe mupurisa paMbare Musika apo akangoti zita rake anonzi Patie uye achiti amai vake vaizouya kuzomutora.

Surname yake haizivikanwe nekudaro akafanopihwa yomupurisa wekumunhonga yekuti David.

Mushure mekunhongwa, hapana hama kana mubereki akauya kuzotsvaga mwana uyu zvikaita kuti azogumisira aendeswa kumusha unochengeta nherera (zita tinaro).

Mwanasikana uyu akazotorwa nevamwe vatsigiri vane mwoyochena vakaenda naye kunze kwenyika uko ava kuita zvidzidzo zvake zveyunivhesiti.

“Tinotsvaga vabereki kana hama dzemwanasikana akawanikwa achingombeya ari oga kuMbare Musika mumwedzi waKurume 1995. Zvinofungidzirwa kuti mwana uyu aive nemakore maviri ekuberekwa panguva yaakawonekwa. Zvinogoneka kuti mwana uyu angave akabva kunzvimbo dzakakomberedza Harare kana muZimbabwe sezvo Mbare iri nzvimbo inosanganisa vashanyi nevapfuuri,” anodaro Thanani Dube wekusangano reZimbabwe Union of Journalists (ZUJ) anova muyambiri munyaya iyi.

Kana paine anoziva mubereki kana mhuri yakarasikirwa nemwanasikana pamakore a1994 na1995 anokwanisa kubata Dube panhare dzinoti 0775 657 498, 0718 424 051 kana padandemutande rinoti: [email protected]

“Zvinogona kudaro kuti panguva yakashambadzirwa kuwanikwa kwemwana uyu kwakange kusati kwava nezvinofambisa mashoko sanhasi zvakadai seindaneti neWhatsApp nokudaro tinovimba kuti rwendo rwuno tinobata ruzhinji rwemhuri yeZimbabwe tosangana nevabereki kana hama dzemwanasikana. Shoko ngarifambe kwese- kwese,” anodaro Dube.

Anoenderera mberi achiti vabereki kana hama dzichange dzichiti mwanasikana uyu ndewavo, vanofanira kuzvipira kuti pazoitwa ongororo yemaDNA kuitira kuti pasazova nedambudziko kumberi sezvo aine shungu dzekuziva hama dzake dzeropa chaidzo.

Share This:

Sponsored Links