Mwanakomana ochiva amai vekumubereka

28 Nov, 2023 - 16:11 0 Views
Mwanakomana ochiva amai vekumubereka Mai Mary Chekecheke

Kwayedza

Abel Ndooka

MUDZIMAI anogara mumusha weGlen View, muHarare, anoti haana rugare nemwanakomana wake wekubereka uyo anoratidzika seari kurwara nepfungwa mushure mekuita nguva achitora zvinodhaka.

Pane dzimwe nguva, mwana uyu anonzi akapotsa aita amai ava mukadzi zvechisimba masikati machena.

Mamwe manenji anoitwa nemuchinda uyu ndeekuti kana akapihwa chikafu chinosanganisira sadza kana mupunga, anoridyira pasi, mumugodhi usina mvura wakadzika mamita 10.

Mai Mary Chekecheke (51) vanoti mwanakomana wavo – Tapiwa Chekecheke (22) – anoswera akangogara pamba asina zvaari kuita uye otanga kuita mhirizhonga kana nzara yamubata.

Tapiwa anonzi kana ave nenzara, anotora sadza orisanganisa nemupunga, obva apinda mumugodhi wakadzika mamita gumi, onodyira imomo.

Mai Chekecheke vanoti izvi vanoshaya kuti zvinorevei sezvo vachityira upenyu hwemwana wavo apo anopinda mumugodhi achidya sadza rakasanganiswa nemupunga imomo.

“Mwana wangu ari kuita hunhu hunoshamisa chaizvo, hunokatyamadza zvekutoti ini ndasvika pakupererwa.

“Ari kuita seave kurasika njere nekuti zvaari kuita hazvinzwisisike. Anoti akanzwa nzara, anotanga kuita ruzha pamba, otora sadza nemupunga ozvisanganisa, kana apedza anopinda mumugodhi wakadzika mamita 10, odyiramo.

“Ini ndiri kushaya kuti zvinorevei. Ndakaona kuti tumwe tumadoro twaanonwa nditwo turi kukonzeresa kuti aite hunhu hwakadai hwekunge ave kurasika njere,” vanodaro.

Nguva pfupi yadarika, Mai Chekecheke vanoti mwanakomana wavo uyu akada kuvaita mukadzi zveginya, vakazonunurwa nevavakidzani vavo mushure mekunge varidza mhere.

“Zvinondirwadza chaizvo, mwanakomana wangu chaiye akada kundibata andipindira mumba. Ndakatozopona nekuridza mhere vanhu vemuraini vakauya kuzomurwisa, ndiko kuzoregedza kwaakaita.

“Izvozvi tiri kuzama kuti timutsvagire rubatsiro asi anoita hasha dzimwe dzisinganzwisisike kuti dzabva kupi,” vanodaro.

Mai Chekecheke vanoti vakasiyana kare nababa vaTapiwa uye vanogara kuMozambique.

Vanoti vakakomborerwa nevana vatatu, avo kunze kwaTapiwa, vane musikana mukuru akaroorwa nemunin’ina waTapiwa achiri kuenda kuchikoro uyo wavanoti anotomboshungurudzwawo nemukoma wake uyu.

Tapiwa anonzi haana kuenda kure nechikoro sezvo akangogumira Grade 7.

Anonzi akazotanga kuita zvechihwindi, izvo amai vake vanoti ndiko kwaakadzidziswa kutora zvinodhaka.

“Taiti tikataura zvekuti aende kuchikoro, aitiza pamba oenda kunoita zvechihwindi kumakombi. Ndinoona sekunge kuchihwindi uku ndiko kwaakadzidziswa kutora zvinodhaka izvo zvave kumutenderedza pfungwa.

“Ndatambura shuwa nemwana uyu, ndiri kutsvagawo rubatsiro nekuti upenyu hwangu hwave hwekungotambura nguva dzose.

“Izvezvi ndikangotaura zvekuti handei kunotsvaga rubatsiro, ndinoona chitsvuku zuva iroro.”

Kwayedza haina kukwanisa kutaura naTapiwa sezvo achinzi pari zvino haasi kuzivikanwa kwaari kugara uye munhu anoda zvemhirizhonga.

Vanoda kubatsira Mai Chekecheke vanovabata panhare dzinoti 0773 228 818.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>