‘Mwoyo wangu wamira nekudya vanhu’

29 Jan, 2024 - 17:01 0 Views
‘Mwoyo wangu wamira nekudya vanhu’ Rottina Makichi

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUDZIMAI anogara mubhuku raMatyenyika, kwaNyashanu, kuBuhera, ari kuzviti muroyi wemandiriri uye akauraya vana vake vekubereka vapfumbamwe.

Mai Rottina Makichi (52) vanoti vakapihwa huroyi neimwe hama yavo apo vakanga vachangoroorwa.

Vanoti vakafirwa nevana vapfumbamwe nekuda kwehuroyi hwavo uye vanoroya nemamwe madzimai emumusha wavanogara vachishandisa makava maviri ayo anoenda achifunhidza vanhu vobva vafa.

“Ini ndinoroya nevamwe vangu, huroyi hwangu ndakaita hwekupihwa. Ndakambotanga ndichiramba kutambira huroyi uhwu kusvikira ndakazotemerwa nyora ndisingazive. Kubva ipapo ndakatanga kuuraya vana vangu 9 – kutatanga newemakore maviri, ndikaenda kune aiita Grade 2 nevamwe kusvikira wekupedzisira wandakauraya gore rakapera. Ndasara nevana vana chete,” vanodaro Mai Makichi.

Mudzimai uyu, uyo anogara nemurume wake kuBuhera, anoti akazonopotera kumukoma wake uko akanotaura nyaya yake yehuroyi sezvo yakanga yava kuzivikanwa neruzhinji mumusha mavo.

“Mushure mekudya nyama yevanhu kwenguva yakareba, zvakatanga kundinetsa sezvo ndichigara mwoyo wangu wakamira ndichida kurutsa. Nyama yandinonyanya kuda pamunhu inosanganisira guru, hura iwo matumbu nemusana iyo inondiitira zvakanaka,” vanodaro Mai Makichi.

Vanoti nyama iyi vanodya isina munyu, iri mbishi yavanoita yekubvutidzana nevamwe varoyi kumakuva.

“Ini handichada huroyi zvachose”

Mudzimai uyu anoti hanzvadzi yake ndiyo yakazovatora kubva kumusha kuBuhera kuvaendesa kune rimwe godobori remuHarare uko vari kubatsirwa.

“Ndine vamwe vandinoroya navo kumusha, vakawanda,” vanodaro.

Vanoti kunze kwemakava maviri, vanoshandisawo zvimwe zvinosanganisira nyoka nezvikwambo mubasa ravo rekuroya.

Mudzimai uyu anonzi aikuya tsvina yake achiisa muchikafu icho aipa vanhu kuti pashaye anosimudza musoro.

“Ndinopinda imwe chechi ine mbiri munyika muno uko vazhinji vatinonamata navo tichiroya tose.”

Mbuya Vongai Makichi-Mafusere (70), vanova amai vemudzimai uyu, avo vakamuperekedza kunobviswa huroyi kun’anga, vanoti huroyi hwemwana wavo hwanetsa.

“Baba vemwana uyu vakashaika kare, nyaya iyi yakabuda pakufa kwevana vake 9 mumakore akatevedzana ndokusara vana (4) chete. Vemusha vakanga vava kupomera ini mai vacho kuti ndini muroyi ndinouraya vazukuru kusvikira takazounzwa kuno kun’anga iri kutibatsira,” vanodaro Mbuya Makichi-Mafusere.

Vanoti ivo ibofu uye zvakangotanga zvisinganzwisisike zvavanofungira kuti zvine chekuita nehuroyi.

“Vana vemwana wangu vakapera kufa, ndinodawo vazukuru vekubata pamawoko,” vanodaro Mbuya Makichi-Mafusere.

Share This:

Sponsored Links