‘Ndakatanga kuputa mbanje ndiine makore 13’

29 Nov, 2023 - 15:11 0 Views
‘Ndakatanga kuputa mbanje ndiine makore 13’ Brain

Kwayedza

Munyori weKwayedza

MUKOMANA wekuDete, kuWard 18 kuHwange, kuMatabeleland North, anoti akatanga kuputa mbanje aine makore gumi nematatu ekuberekwa izvo zvakamukanganisa zvakanyanya.

Brian (13), uyo ari kuita Fomu 2 pane chimwe chikoro cheko, anoti akatanga kuita zvekudhakwa mushure mekunyengedzwa nevamwe vana nekuda kuziva kuti zvinoita sei kana akaputa mbanje.

“Kufurirwa nevamwe kwakandiita kuti nditange kuita zvembanje,” anodaro Brain.

“Ndaiti kana ndaputa mbanje nevanhu vakuru, vamwe vandaiputa navo ndaibva ndaona kunge takaenzana uye ndaiona miti ichitenderera.

“Izvi zvikaita kuti ndimbofunga kusiira chikoro panzira.”

Zvisinei, anotenda sangano reNational AIDS Council nekuunza chirongwa cheBrother to Brother icho chakaita kuti ashanduke maitiro ake zvikazoita kuti asiye zvinodhaka, ndokutanga kuita zvechikoro.

“Ndinoda kukurudzira vamwe vechidiki kuti vasiye zvinodhaka vatange kuita zvechikoro uye vazive nzira dzekuzvichengetedza munyaya dzeutano hune chekuita nezvirwere zvepabonde,” anodaro Brain.

Mai Abigail Moyo, avo vanova Sista 2 Sista mentor kuNAC, vanoti nzvimbo yeDete ine dambudziko rezvezvinodhaka izvo vari kurwisa nezvirongwa zvakasiyana.

Vanoti vanakomana vazhinji vari kukanganiswa upenyu hwavo vasati vapedza chikoro nekuda kwezvezvinodhaka.

“Vana vazhinji vari kukanganiswa upenyu hwavo nekuda kwekutora zvinodhaka. Tiri kuita chirongwa cheBrother 2 Brother senzira yekuderedza dambudziko iri sezvo vechidiki ndivo vane ramangwana redu,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>