‘Ndangomirira kufa’

15 Mar, 2023 - 17:03 0 Views
‘Ndangomirira kufa’ Joseph Kapupurika

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MURUME anogara mudzimba dzemudurikidzwa dzeShawasha Flats, kuMbare, muguta reHarare – asi kumusha achibva kuGuruve – anoti atambura nekuzvimba dumbu izvo zvaanoti runyoka rwaakaiswa nezvikomba zveaimbova mudzimai wake.

VaJoseph Kapupurika (65) vanoti vasvitsa makore masere vaine dambudziko iri.

“Dambudziko rangu rinonzi kwese kwandinofamba runyoka kana kuti rukawo uye zvakatanga makore masere akadarika. Ndiri kuzvimba makumbo nemuviri wose uyewo handichakwanisa kuenda kuchimbuzi.

“Ndangomirira kufa ini. Kufamba chaiko handichagona, kubasa ndakamiswa kukambani inogadzira magumbeze. Nguva zhinji ndinogara ndisina kupfeka nekuda kwekupiswa nekurwadziwa,” vanodaro VaKapupurika.

Vanoti vakamboenda kuzvipatara sezvo vaifungidzira kuti vanogona kuva negomarara re”prostate cancer” asi vakaongororwa kukashaikwa chirwere chaicho kusvikira vazongogara kumba.

“Ndakamboongororwa kuti kuonekwe kuti itsvo dzangu dzakanaka here, dzikaonekwa dzisina dambudziko. Izvi zvakatanga ndichigara neaiva mudzimai vangu, Thandiwe Chatendeuka.

“Mudzimai wangu aiita zvekuhodha zvinhu achinotengesa kunze kwenyika – cross-border. Akazotanga zvekuita gumbo mumba gumbo kunze ava kunogara nezvikomba ini ndikazvibata. Vakatoita mwana wechitatu nechimwe chikomba,” vanodaro.

VaKapupurika vanoti vakanetsana nemudzimai uyu kusvikira vakazorambana mugore ra2018, apa dambudziko iri ratotanga kare.

“Kwandinofamba ndinoudzwa kuti ndakagadzirwa nezvikomba zvemudzimai uyu zvichiita shaisano kuti zvigone kugara zvakanaka naye.

“Nekurwara uku, mari yandava kuwana kubasa ishoma nekuti handichaendako. Mumba chaimo hamusisina zvekudya nevana vaviri vandinogara navo. Mudzimai akaenda ava kugara kwake muno muHarare nemumwe mwana uyo ndisina chokwadi kuti ndewangu.”

VaKapupurika vanoti vakambotora imwe n’anga yaiti inozvigona yakabvisa zvinhu mumba mavo zvichinzi ndizvo zvaikonzera hurwere hwavo.

“Mumba medu munofamba zvinhu zvisingaonekwe, tinongonzwa mutsindo nekuona mimvuri. Saka ndakanga ndatsvaga n’anga iyi ikabvisa zvinhu asi dambudziko iri harina kupera.

“Ndiri kutsvaga vanogona kundibatsira nemari yekuti ndinorapa kana kuti n’anga nemaporofita vanogona,” vanodaro.

Murume uyu – uyo asisagone kufamba – anoti zvakare musana wake unomurwadza.

“Ndisati ndawanana nemudzimai uyu, ndakamboita mumwe mukadzi wekutanga tikaita vana vaviri asi tikarambana ndisina dambudziko iri. Mapositori vari kuti ndakashandisirwa zongororo pakuiswa rukawo urwu. Ndatambura ini, ndangomirira kufa.

“Kune vanoda kundibatsira vanondibata panhare dzinoti 0771 419 989,” vanodaro VaKapupurika.

Murume uyu anoti kubasa kwake ava kupihwa $12 000 kubva pa$27 000 yaaimbowana pamwedzi.

“Ndinokumbira kuti mukadzi uyu andisunungure nekuti handina chandakamukanganisira. Inga takaita vana tose wani, iyewo ndokufunga kupoya mumba. Ndinodawo kutsvaga mumwe mukadzi wekuti ndikwanise kuvaka kumusha kuGuruve naye kuti vana vangu vagosara vaine pekugara.”

Zvichakadai, vachitaurwa navo panhare neMuvhuro, Mai Thandiwe Chatendeuka vanoramba nyaya yose iyi vachiti manyepo akananga kusvibisana.

“Hongu, ndini ndaiva mudzimai waVaKapupurika, asi handina chekuita nehurwere hwavo. Ndinotodawo kuti dai varapika.

“Zvavanotaura zvekuti vakaiswa rukawo nechikomba changu makamboona kupi imi chikomba chinoisa muridzi wemudzimai runyoka? Handiite zvezvikomba kana kuita chipfambi, ndinoda kuti tifambe pamwe chete navo nemi muripo paine hama dzangu kuonekwe kuti ndini here ndinonobatwa.

“Mwana wavanoreva ndewavo, hendei kumaDNA tests,” vanodaro Mai Chatendeuka.

Vanoti murume uyu anofanirwa kutaura kwaakawana chirwere sezvo vachiti aisadarikwa nemarokwe.

“Ini ndaiti ndikaenda kunotengesa, iye aisara achitora madzimai akawanda. Panguva yavaiva mupurisa weNeighbourhood kuno kuMbare, vaitora madzimai epa’Touchline’ vachishandisa chipurisa. Baba ava ngavasiyane neni.

“Handizive nezvehurwere hwavo, ngavatsvage kwavakazviwana,” vanodaro Mai Chatendeuka.

VaKapupurika vanoramba nyaya iyi vachiti mudzimai uyu anovanyepera.

Votaura pamusoro penyaya ino, Sekuru Tasvu vemuguta reHarare vanoti murume uyu anofanirwa kubatsirwa kuchipatara zvose nekuchivanhu kuti paonekwe dambudziko rake.

“Runyoka rwuriko zvechokwadi uyewo zvimwe zvirwere zvinodawo kunoonekwa kuchipatara,” vanodaro.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>