Ndibaba vakandipa mimba: Mwana (16)

16 May, 2023 - 11:05 0 Views
Ndibaba vakandipa mimba: Mwana (16) Tarie (zita rake chairo tinaro)

Kwayedza

Muchaneta Chimuka

MWANA musikana wemuHarare ane makore 16 okuzvarwa ari kuti baba vake vekumubereka ndivo vakamubata chibharo gore rapera aine makore 15 ekuberekwa, achibva abata pamuviri apo patova nemwedzi misere.

Mwana uyu, uyo watichangodura nezita rake rekuti Tarie, kuitira kumuchengetedza sezvo achiri mudiki, nezuro akapotera kuKwayedza iyo ine chirongwa chekubatsira vana vanoshungurudzwa chinonzi “Regai Dzive Shiri . . .” achikumbira kubatsirwa kuti chokwadi panyaya iyi chibude sezvo nyaya yacho achiti inoita seiri kutsikwa-tsikwa.

Achirondedzera zvakaitika – zvimwe zvacho zvatisingaburitse sezvo tiri bepanhau remhuri – Tarie anotsidza kuti akabhinywa kamwe chete nababa vake avo vave kugara  nemumwe mudzimai kwaSeke, achibva angobata pamuviri.

“Nyaya iyi yakaitika gore rapera mumwedzi waGunyana apo amai vangu vakaenda kuChitungwiza kunotora magwaro ekuzvarwa emwana (birth record) vachindisiya nababa semusikana mukuru (dangwe) pamusha. Ndakabva ndasara pamba ndichibikira vanin’ina vangu.

“Ava manheru, baba vakanditumira meseji panhare yangu vachiti, ‘Masister’ huyai tinamate. Ndakaenda vachibva vatanga nekutsanangura nyaya yemudzimai wavo mutsva wavaida kuunza pamba. Asi ndakavati handina chandingataura pamusoro pazvo sezvo ndiri mwana. Ndipo pavakabva vandibata.”

Anoti senzira yekuda kunzvenga nyaya, baba vake vakambotanga nekumunenera kuti anoita zvevakomana “ini ndikavaudza kuti handitorina kana mukomana wacho”.

“Pose ipapo vaingondidana vachiti ‘MaSister’ uye vakavhurisa ruzha rweredhiyo.”

Regai dzive shiri

Tarie anotsanangura zvinotyisa nekushamisa zvaakaitwa nababa vake izvo zvatisingakwanise kurondedzera sebepanhau rine chiremera.

“Vakanditi hakuna munhu anofanirwa kuziva nyaya iyoyo asi vasingandipe zvikonzero zvacho,” anotsanangudza Tarie.

“Handinganyebere baba vangu. Ndivo vakandibata ikoko kwaSeke, ndichibva ndabata pamuviri pandiinapo apa.”

Mwana uyu anoti amai vake pavakadzoka kwavainge vashanya, haana kunyatsovadurira kuti akabhinywa nababa vake nekutya, asi akataura zvekubvunzurudzwa nezvevakomana kwaakaitwa ivo vasipo.

Tarie anoti anoda kuti nhumbu iyi ibviswe asi zvakona nekuti yakura sezvo akanonoka kudura chokwadi nekutya.

Mimba iyi yakatozozivikanwa yava nemasvondo 24, apo inenge isisaite kubvisa sekuudzwa kwaakaita nemachiremba.

Tarie naamai vake vakatobva kwaSeke kuna baba ava ndokupotera muHarare kuimba yehama yaamai uko vakazokwanisa kubata Kwayedza kuti nyaya ubude kuruzhinji.

“Ndiri kukumbirawo rubatsiro rwembatya dzemwana wandichabara akanzi musikana pasikani (scan) yakaitwa uye chikafu. Tiri kutochengetwa nagogo amai vamai vangu vari kushanda basa remumba. Vari kuchengeta ini, amai vangu nevanin’ina vangu vashanu nevamwe vazukuru. Pakamanikidzika,” anodaro.

Amai vake,  Susan (31), avo vatisingadure nezita ravo rose nekuda kwemhiko dzebasa redu munyaya dzakadai, vanoti mwana wavo haana kudura nezvechibharo ichi nekukasika.

Susan (amai vemwana vachitaura)

“Pane rimwe zuva randakazomubvunza asi akaramba. Kumashure kwose uko aingondiudza kuti pane rimwe zuva randainge ndisiri pamba pandakaenda kumabirth certificate apo baba vake vakamubvunza kuti uchiri mhandara here asi haana kunditaurira kuti akabhinywa. Akazodura tatoona nhumbu yakura.

“Ndakafonera amai vangu vari kutichengeta kuno (kuHarare) vachibva vauya kumba asi vakatopfuura vachimhan’ara nyaya iyi kumapurisa. Vakatosvika kumba vava nemupurisa wacho baba vemwana vachibva vasungwa pekarepo,” vanodaro.

“Pandakaenda kumabirth certificate ndakafonera murume wangu ndichiti ndanzi ndauya zuva risiriro achibva ati ndirare ikoko sezvo kwainge kwadoka. Ndakabva ndarara kwatete vangu,” vanodaro.

Vanoti dambudziko riripo nderekuti kubvira kumhan’arwa kwakaitwa mhosva iyi, haisati yaenda kumatare edzimhosva nekuti mapurisa ari kuti panofanira kutanga paitwa ongororo yekuona kuti mwana ndewababa ava here (DNA Test).

Baba vevana ava, vakatombosungwa asi vakazoburitswa vachiti panoda zvekare umbowo hwemaDNA test.

Vanoti murume wavo ari kuramba mhosva iyi achiti inhau yeshanje sezvo akaroora mumwe mudzimai.

“Paakasungwa takatomboendesa mwana uyu kwatete nekuti mapurisa anoti hazvikodzeri kuti agare pamba pamwe nemunhu akamumbunyikidza. Saka ndakazosarudza kubva pamba ipa zvisinei nekuti imba yatakavaka tose nemurume wangu ndokunogara kuvabereki vangu nevana vose vari vatanhatu.

“Paakazoburitswa achiuya kumba akatanga kundifurufusha achindirova,” anodaro Susan.

Anoenderera mberi achiti: “Dangwe rangu ndakaribara ndiine makore 15 mushure mekuroorwa nababa ava ndiine makore 14 ekuberekwa. Zvino mwana wangu uyu akaitiswa pamuviri aine makore 15, saka zvinhu zvinorwadza.

“Ini handishandi, ndiri kuchengetwa naamai vangu vane makore 53 ekubererwa vanotoshanda basa remumba vachitambira US$100. Ndiri kuvapa mutoro asi kwekuenda hapana, wanano yangu yakatoparara nekuda kwenyaya iyi.”

Susan ari kukumbira rubatsiro rwepekugara nemhuri yake, chikafu uye gadziriro yemwana wake ane pamuviri.

“Kune mupurisa akafona svondo rapera achiti mapepa edu ekumatare akaita saka tigadzirire kuzonoitisa mwana maDNA test asi kana zvazoonekwa kuti baba ava  havasirivo muridzi wemwana akatakurwa, tinofanira kuzovadzorera mari yavanenge vashandisa.

“Handizivi kuti mhosva yangu ndeyei yekuti ndizoripiswa sezviri kutaura asi  ini ndinotaura mashoko ari kutaurwa nemwana uye iye pachake nanhasi tikamubvunza anoramba achingoti ndibaba vakandibata, haana kana mumwe munhu waari kutaura. Handingafari kuti apomere baba vake kana vasina mhosva. Asi kana vari ivo vakazviita ndinoshuvira kuti kudai mutemo waita basa rawo nemazvo,” vanodaro.

Kwayedza yakaedza kufonera baba ava kuti inzwe divi ravo asi havana kudaira nhare zvisinei nekuti yairira.

Kazhinji vanhu vanopara mhosva dzerudzi urwu vanobatwa nemhosva yechibharo uye yemakunakuna (incest).

Nyaya dzekushungurudzwa kwevanasikana nenzira yepabonde dziri kuramba dzichiwanda munyika.

Gore rapera kune mwanasikana ane makore 9 ekuberekwa wekuTsholotsho uyo akabatwa chibharo nehanzvadzi yake inova isati yabva zera asi pakutanga baba vake  nyakutumbura ndivo vaipomerwa mhosva iyi.

Mwana uyu akaita pamuviri pane nhoroondo huru yenyika nekuda kwezera rake ndokusununguka mwana mukomana.

Mumwezve mwanasikana ane makore masere wekuBindura akabatwa chibharo nevakomana vaviri ndokuita mimba iyo yakatoponwa.

Gore rapera paseri, mumwe mwanasikana ane makore 13 ekuberekwa akapihwa mubhedha pachipatara cheChitungwiza Central Hospital kwemwedzi inodarika mitatu mushure mekurwara achangobva kusununguka.

Ongororo yakaitwa nesangano reChildline Zimbabwe inoratidza kuti mugore ra2018 vakatambira nyaya 25 000 munyika yose dzevana vakambunyikidza nenzira yepabonde. Nyaya dzekumbunyikidzwa idzi panguva iyi dzaive nechikamu che26 percent, kushungurudzwa nenzira yekurohwa 20 percent, kusachengetedzwa (17 percent), kushungurudzwa mupfungwa 17 percent uye dzimwe mhando dzekunetswa dziine chikamu che20 percent.

Pakutanga kwegore rino, bepanhau reKwayedza rakavamba chirongwa chakananga kufumura vose vanoshungurudza vana uye kutsvaga nzira dzekuti vabatsirwe nadzo chinonzi Regai Dzive Shiri . . . Pasi pechirongwa ichi, vana pamwe chete neveruzhinji vanoridza nhare kana kutumira mashoko paWhatApp dzinoti +263 773394753  vachitaura kune vana vari kutambudzwa. Mazita evanotumira mashoko aya haaziviswe, uye vanochengetedzwa. Kana mune kwamunozivawo kune vana vari kushungurudzwa, tumirai mashoko panhare idzodzi.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>