‘Ndinopa nekudyisa mupfuhwira’

07 Jun, 2022 - 09:06 0 Views
‘Ndinopa nekudyisa mupfuhwira’ Mbuya Masibanda vachitaridza mimwe mishonga yavo yemupfuhwira. — Mufananidzo naLynn Munjanja

Kwayedza

Kingstone Mapupu

KUBVA kare, nyaya dzekupfuhwirwa kwemurume nemukadzi – zvikuru vanenge vari muwanano – dzakagara dzichitsviriridza uye vamwe vanoti mupfuhwira wakanaka nekuti “rudo”!

Rudo rwekuti mumwe anogumisira ave dununu, fuza kana kuti rema rekupedzisira? Kwayedza inoita hurukuro nemumwe mudzimai wemuguta reHarare uyo ari kubuda pachena kuti “chitopota” kana pari pakupa mupfuhwira – kungava kuvarume kana kuvakadzi.

Hanzi mupfuhwira wakanakira pakuwedzera rudo kune vakaroorana.

Mbuya Agnes Muzambezi Masibanda (57) vanogara mumusha weDzivaresekwa Extension – asi kumusha vachibva kuSabi Drift, kuBuhera kuManicaland – vanoti vakatanga hun’anga mugore ra1992.

“Mupfuhwira rudo, mishonga ndinayo yekupfuhwira uye tinopa varume kana vakadzi.

“Chandinoda ini imari saka kana ivo vasikana vanotengesa miviri vanouya ndichivapa mipfuhwira yekuti vadiwe nemhene dzavo,” vanodaro Mbuya Masibanda avo vanoita zvehun’anga pamwe chete nemurume wavo, VaMoses Mwamuka (66).

“Mhando dzemipfuhwira yandinopa dzinosanganisira watinoti chinamira, zvanamina, nzwanamina, muwatikwati, nhoko dzemhuka nechipota nemadziro.

“Kune vamwe vanopa mipfuhwira yakaipa yekuti murume kana mudzimai anoita fuzanana, wakafanana nekudyisa munhu tsvina yekupedzisira yemunhu kana miswe yemadzvinyu. Ini handiite izvozvo, asi kupfuhwira ndinopfuhwira,” vanodaro.

Mipfuhwira yavo vanoti inoitwa kudyiwa iyo vanotanga vadya vasati vapa anodya kunodyisa mumwe wake.

“Pamipfuhwira yandinopa, uyo unonzi chinamira unoti chirume nechidzimai tinozvisanganisa, topisa huswa kana kuti midzi iyi uye dota racho murume kana mukadzi anozvitemera pasikarudzi yake chaipo. Dota rinenge rasara rinozorwa kana kupfekwa vanhu musati masangana, iwe wacho wanotora mupfuhwira uchitaura zvaunoda.”

Mbuya Masibanda vanoti rimwe dota rinozorwa muzvidya nekumagadziko kweanotora mupfuhwira asati atanga kupanana rudo nemumwe wake.

Pamusoro pezvo, Mbuya Masibanda vanoti mumwe wemupfuhwira wavanopa unosanganiswa neweti wakasungirwa mujira uye unoiswa muchikafu kana mumvura inonwiwa nemurume pamwe nemukadzi vari murudo.

“Murume kana mudzimai akauya achida mupfuhwira uyu tinomupa, otenga chikafu chekudya kana kuita wekubika osanganisa mushonga une weti uye oisawo mumvura yakunwa mose.

“Iwewe wanotora mupfuhwira ndiwe unotanga kudya nekunwa mvura zvakare, kungoita izvi hamumbofa makasiyana.”

Mbuya Masibanda vanoenderera mberi vachiti, “Mishonga iyi inofanirwa kudyiwa kwemazuva matatu, unenge watopedza.

“Tine mimwe mipfuhwira yekugeza kana uchinetswa nemurume kana mukadzi kumba. Unomunokora tsoka, wouya nevhu kuno kana kuti unopara pasi pebhutsu dzake wouya netsvina iyi tosanganisa nemishonga.”

Vanoti vane mumwe wavanoti Jekesa kuFace unoitwa wekuzorwa apo angava murume kana mudzimai anotanga kuona runako rwemumwe wake.

“Mumwe wacho tinotora shinda yembatya yemudzimai kana murume todzisunganidza nemishonga.

Tine mumwe mupfuhwira unonzi kafoni waunoputa semudzanga uchitaura kuti ‘dzoka kumba’ uye uchingopedza haambokwanisa kugara kwaari ikoko, anouya achimhanya,” vanodaro Mbuya Masibanda.

Vanoti vanorutsisawo vaye vakadyiswa vachishandisa mushonga unonzi mhendenuro.

“Tinopa mupfuhwira nekurutsisa zvakare, kunyange vakasungwa pabonde tinosunungura. Iko kusunga kwacho ndinosunga ndichishandisa muswe werwaivhi, tsono kana reza itsva.”

Mbuya Masibanda vanoti kupa kwavanoita mupfuhwira kune vanotengesa miviri hazvirevi kuti vanokurudzira mabasa akadai uye kana murume ari muwanano anofanira kugutsikana nemudzimai wake.

“Panyaya yevarume vanosangana nevasikana vanotengesa mviri vandinopa mipfuhwira, imhosva yavo, ngavagutsikane nemadzimai avo kudzimba,” vanodaro Mbuya Masibanda.

Share This:

Sponsored Links