Uncategorized

Ndiri muSatanist: Mwana wechikoro‘. . . ndinombosanduka kuita murume’

13 May, 2016 - 00:05 0 Views
Ndiri muSatanist:  Mwana wechikoro‘. . . ndinombosanduka kuita murume’ Prophet Freddy

Kwayedza

Prophet Freddy

Prophet Freddy

MUSIKANA wemakore 16 okuberekwa wemuHarare anoti akapinzwa mumabasa eSatanism ari kuchikoro nekusaziva apo akazotanga kutora pfungwa dzevamwe vana vechikoro vanogona achidzishandisa pamwe chete nekupota achisanduka muviri wake kuita munhurume apo aidanana nevakadzi vaasingazive.

Nyarai, uyo watichangodura zita rake rekutanga sezvo achiri pwere, akapupura mashoko aya pamberi peimwe chechi iri kumushandira padambudziko rake iri nguva pfupi yadarika.

Pari zvino mwana uyu akanopotera kuchechi yeGoodness and Grace Ministries, kuGlen View, iyo inotungamirirwa naProphet Tapiwa Freddy.

Nyarai anoti dambudziko rake rakatanga ari Grade 6 pazuva rekupemberera kuzvarwa kwake.

“Shamwari dzangu dzaindipa zvipo apo imwe yakandipa ringi regoridhe yaiva nemusoro wenyoka kumberi. Ndadzokera kumba, ndakatanga kurota ndirere ndiri kumvura ndichifamba nemumwe mukadzi aindidzidzisa kutora pfungwa dzevana vaigona muchikoro nekugona kushandisa masimba ikoko.

“Ava mangwana acho, ndakaenda kuchikoro shamwari yangu iye ikandipa necklace yaiva nemufananidzo wenyoka kumusoro. Ndakazorara manheru ndakarota mukadzi uye ainditi ndaiva mwana wake chaiye achiti ndakaitwa zvekuuchikwa. Asi amai vangu handina kuvabvunza kuti ndaiva mwana wekuuchikwa here nekuti hapana zvandaiziva nezvenyaya iyi,” anodaro Nyarai.

Anoti akazoenda kuchikoro remangwana racho shamwari yake iye ndokumuudza kuti arare akapfeka ringi nenecklace zvaakange amupa.

“Ndirere naamai, kwakazouya mhepo shamwari yangu ikandishevedza ichiti handei. Yakanditora tikaenda kumvura uko ndakasvika vanhu vaiveko vazhinji vachindimhanyira nekupemberera.

“Ndakapihwa hari yaiva neropa vachiti chaiva chinwiwa ndikanwa. Ndakanga ndisisatye apo ndakangonwa ropa iri, kwaive nenyoka dzakawanda mukati mevanhu ava vaityisawo. “Ndakazodzidziswa kuti kutora pfungwa dzemwana anogona waimushevedza zita rake katatu wakamunongedzera. Mangwana acho ndakaenda kuchikoro ndikashevedza mwana wemuchikoro medu ndikatora pfungwa dzake ndikaguma ndave kudzishandisa,” anodaro.

Mwana uyu anoti akaramba achitora pfungwa dzevana vakawanda achishanda neshamwari yake nekupinzawo vamwe muSatanism.

“Ndave Grade 7, ndakanzi chaiva chijana changu chekuuraya munhu vachiti vaida ropa. Ndakanga ndisati ndambouraya munhu uye vainditi vaida mwana mucheche. Kumaraini kwatinogara kwaiva nemukadzi aiva nepamuviri paiva nemwedzi 8. Ndakamuendera ndikamubata dumbu rake husiku ndikatora mwana uyo ndakauraya mukadzi uyu ndokufuma asisina pamuviri. Ndiko kwaiva kuuraya kwekutanga kwangu tikanwa ropa rake,” anodaro Nyarai.

Musikana uyu anoti aiti akasvika panenge pachipindwa chechi akatsika pasi negumbo rake aibva atora simba remufundisi anenge aripo kana kumukwezva kuti amude.

“Kana zvadaro, hapana kana dhimoni raibuda nekuti ndini ndinenge ndave kuvatungamirira chechi yose.

“Ndave Form 1, ndakazotanga kusanduka muviri kuita munhu mukuru wechirume ndichidanana nevasikana pachikoro nevadzidzisi vechikadzi. Ndakazobva ndikaenda pane chimwe chikoro, ndikabva zvakare ndichingosandura vana vakawanda kuvapinza muSatanism.”

Nyarai anoti kumvura kwaaimboenda achinogara airara nevarume achibereka vana avo vaizoendeswa kumadzimai ainge achiuchikwa.

Amai vake vanoti mwana uyu aiva nehushwindi, asingade kutumwa achirambawo kuenda kuchikoro.

“Semubereki, mwana uyu ava Grade 7 zvaingooneka kuti aiva nemweya waimushandisa kusvikira takazoita kuti anobatsirwa naProphet Freddy,” vanodaro amai vaNyarai.

Mwana uyu anonzi akamboedza kubatsirwa neimwe n’anga iyo yakamutemera nyora ikapotsa yamuroora.

Share This:

Sponsored Links