Maporofita oita mhiko nemapfupa evakafa

21 Sep, 2022 - 17:09 0 Views
Maporofita oita mhiko nemapfupa evakafa Cde Nyakatsapa

Kwayedza

Kingstone Mapupu

MUNYAYA inokahadzisa zvikuru, kune mamwe maporofita anonzi ari kuita katsika kekutora mapfupa evashakabvu vachiita mhiko nawo nechinangwa chekuti vave nemukurumbira kana masimba mubasa ravo.

Izvi zvakaziviswa nedzimwe nhengo dzesangano riri kuita mabasa ekuviga patsva marangwanda evaiva varwi vehondo yerusununguko rweZimbabwe, reExhumation and Reburial of Fallen Heroes Trust (MIERFHT) iro pari zvino riri kushandira kudunhu reManicaland.

Cde Golden Nyakatsapa (66) vemubhuku raNyakatsapa riri kwaMambo Mutasa, avo vane mukoma wavo Solomon Nyakatsapa ane mapfupa akawanikwa pasi pechirongwa chekuviga patsva varwi vehondo ava, vanoti kune mamwe maporofita ari kuenda kwavari vachinokumbira marangwanda vachiti vanoda kuita mhiko dzavo nawo.

“Muchirongwa chedu chekutora mapfupa evaiva varwi verusununguko tichiviga patsva, tave kusangana nemiedzo. Kune mamwe maporofita vari kuuya kwatiri vachikumbira mapfupa aya vachiti vanoda kuita mhiko nawo.

“Hatizive kuti imhiko dzerudzii. Kune mumwe muporofita akauya kwandiri achikumbira mapfupa evaiva varwi ava achiti anoda kugeza nawo pamiteuro yake kudzikamisa mweya yevafi. Zvakatinetsa kusvika nanhasi, saka tava kuchengetedza mapfupa aya zvakasimba,” vanodaro.

Cde Nyakatsapa mumwe wenhengo dzechikwata chiri kufamba chichitora marangwanda evaiva varwi vehondo vachienda kunoaviga zvine mutsigo.

“Inyaya inoshamisa kuti chokwadi munhu anozviti munamati uye muporofita wechechi kuuya kwatiri achiti ndinokumbirawo mapfupa ekuti tinogeza nawo evanhu vaasina hukama navo. Kana iro bvupa rehama yako, ukageza naro unonzi uri muroyi wekupedzisira kushandisa mweya yevanhu vakafa sezvavanoita izvi,” vanodaro.

Cde Nyakatsapa vanoti izvi zviri kuitika kunzvimbo dzakawanda.
“Tinonzwa kuti kune vamwe vanopinda mumapako makaiswa mitumbi yevaiva varwi vehondo nemabhunu kana nemamwe makomuredhi apo vainge vauraiwa. Tinozoona kuti patinotora marangwanda aya, mimwe mitezo inenge isisipo.

“Hatichaziva kuti kuwora here kwemapfupa aya kana kuti kutorwa nevanhu vanoshereketa ava,” vanodaro Cde Nyakatsapa.

Mai Joice Mulilo (50), avo vanova svikiro rinofamba richibatsira kuziva mazita evaridzi vemapfupa evaiva varwi vehondo yerusununguko, vanotsinhira nyaya yemaporofita anonzi ari kutsvaga marangwanda ekushandisa semhiko dzavo.

“Nyaya iyi yakatishamisa saka patinochera mapfupa aya vakuru vedu vave kutoisa mapurisa vanorinda kusvikira mapfupa acho azotakurwa kuendeswa kunovigwa kana kumochari kwaanochengeteka,” vanodaro Mai Mulilo.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>