Ndokusaka vakakurirwa

27 Mar, 2020 - 00:03 0 Views

Kwayedza

Munyaradzi Gunduza
TINOENDERERA mberi nekupedzisa nzira dzinoshandiswa nevatema kuti vakunde vachena muhondo yeChimurenga. Mubvunzo uyu takautanga svondo rapfuura uye unoti:

  1. Nzira dzinoshandiswa nevarwi vehondo yeChimurenga kuti vange vachikunda vachena.

Kudzidziswa kubata pfuti – magandanga aidzidziswa kuridza pfuti dzemando dzese, kuziva pfuti nemazita adzo pamwe chete nenzvimbo dzadzaishandiswa. Kugeza nekushandisa pfuti zvimwe zvezvinhu zvaidzidziswa magandanga.

Kupata makamba vachinohwanda – tinoona kuti panorwiwa hondo pakamba 2 magandanga akanga atuta zvinhu achinohwanda mumwena yaive kunze kwekamba. Masoja paanouya kuzovabhomba anosvika achishaya vanhu ndokutanga kurwiswa vachiri mubishi rekutsvaga kwainge kune vanhu.

Kutumira vamwe varwi kuti vanoita zvidzidzo zvemberi kune dzimwe nyika – tinonzwa kuti Kuda nevamwe gumi vaida kuendeswa kuChina kuti vanodzidziswa hunyanzvi hwekurwa hondo. Izvi hazvina hazvo kubudirira asi tinozoona achienda kunyika yeTanzania uko anonoita mwedzi mina achidzidziswa zvidzidzo zvehondo zvemberi.

Kusashandisa mazita asiri pazvitupa – magandanga ese aive nemazita ekuhondo ayo aizoita kuti vasateverwe vachiurayirwa hama dzavo kumamisha kwavaibva nemasoja. Mazita aya aiitawo kuti magandanga abatanidzwe nedonzvo rimwe chete rekusunungura nyika yeZimbabwe. Kudakwashe Zaranyika tinoona achishandura zita rake iri paanoenda kuhondo achitora rekuhondo rekuti Kuda Hondo.

Kupamba vanhu vachitsvaga chikafu – tinoona magandanga achibva kukamba 2 achienda kuBurma Valley kunotsvaga chikafu mushure mekunge zvekudya zvavaive nazvo zvaparadzwa nemasoja. Vanobva kuBurma vaine zvinhu zvakaita semombe nezvimwewo zvekudya zvavainge vapamba papurazi iri kuvachena.

Kubatsira povho – magandanga akaba mari kuVaRungu aitarisirwa kuti apewo imwe kupovho sezvo yaimbovabatsirawo. Izvi zvinojekesa pfungwa yekuti paisazove nehugandanga kana povho isina kuvapa tsigiro. Magandanga aisatenderwa kuita hupombwe nevanhu vepovho nekuti zvaisurudza hondo yeChimurenga. Varwi vehondo yerusununguko vaizofanira kurapa povho dzainge dzarwara. Izvi zvaiita kuti povho ifarire magandanga uye isavakanganwa.

Kufundisa povho zvematongerwo enyika – tinonzwa kuti Political Commissar aive nebasa guru rekudzidzisa povho zvakanangana nemusangano nekunaka kwemushandirapamwe (socialism).

Svondo rinouya tinobva tapedzisa mhinduro yemubvunzo uno nekuti yakareba. Sarai muchitsvaga zvimwe zvikonzero zvingadaro zvakaita kuti vatema vakurire vachana muhondo yeChimurenga zvisina kumbotaurwa nezvazvo svondo rino kana svondo rakapfuura paseri.

Share This:

Sponsored Links

We value your opinion! Take a moment to complete our survey
<div class="survey-button-container" style="margin-left: -104px!important;"><a style="background-color: #da0000; position: fixed; color: #ffffff; transform: translateY(96%); text-decoration: none; padding: 12px 24px; border: none; border-radius: 4px;" href="https://www.surveymonkey.com/r/ZWTC6PG" target="blank">Take Survey</a></div>